Vanhu makumi mashanu nevatanhatu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana masere vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Nyanzvi munyaya dzehutano dzokurudzira kuti vanhu vaende kunobayiwa nhomba yeCovid-19 sezvo chirwere ichi chiri kuuraya vanhu vakawanda.
MDC Alliance inoti iri kushushikana zvikuru nekudzingwa kwakaitwa makanzura ayo emuChipinge Town Council nebato reMDC-T.
Masangano eAfrican Union neMedia Institute of Southern Africa ayo ari kuongorora sarudzo muZambia, anoti sarudzo idzi dzakafamba murunyararo nezuro, kunyange hazvo pakamboita dambudziko pakufambiswa kwemasaisai. Zvakabuda musarudzo idzi hazvisati zvaziviswa, zvichinzi zvinokwanisa kubuda mukati memaawa makumi manomwe nemaviri sarudzo dzavharwa.
Meya mutsva weguta reJohannesburg, uyo ane mumwe mubereki anobva kuZimbabwe, anoti hapana mitemo ichachinja inobata vabvakure muguta iri.
Mhuri yenhabvu iri kupokana nekunyoreswa kwakaitwa zvikwata zvemuZimbabwe kuti zvitambe mumakwikwi emuAfrica imo muZimbabwe macho musina nhabvu iri kutambwa
Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zvipingaidzo zvakatarisana nenyika munguva iyo pasi rose riri kurwisa chirwere cheCovid-19.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum