Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau Dzanhasi, Muvhuro, Nyamavhuvhu 23, 2021


Shona Headlines

Vanhu gumi nevatatu vofa nechirwere cheCovid-19 nezuro vamwe zana nemakumi matanhatu nevashanu vachibatwawo nechirwere ichi.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri webato guru rinopikisa reMDC Alliance VaNelson Chamisa vari kuZambia uko kuri kugadzwa mutungamiri wenyika mutsva VaHakainde Hichilima mangwana.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe change chiri kuAfghanistan VaNyasha Manjese votaura neStudio 7 nezvekubuda munyika isina kugadzikana nenyaya yehondo zvawedzerwa nekubuda kwmauto eAmerica neNATO mushure memakore makumi maviri.

Varimi vedonje kuChiredzi nekuZaka vochema-chema nekambani yehurumende yeCotton Company of Zimbabwe(Cottco) vachiti haisati yavabhadhara mari yedonje ravakaitengesera mwaka wegore rino nerapera.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti vanhu vakawanda havachina kugadzikana mupfungwa nenyaya yekuomerwa nehupenyu munguva yekurwisana nedenda reCovid-19.

Kanzuru yeMutare inoti haichina nzvimbo dzekuchera makuva uye yave kukurudzira vanhu kuti kana zvichiita vapise hama dzavo dzovigwa dzave dota.

Vatambi venhabvu vononga svosve nemuromo sezvo vasiri kutambiriswa mari nezvikwata zvavo kubva zvamiswa matambo nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm nhasi tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19, hurongwa hwehurumende pakugadzirisa dambudziko reGukurahundi pakapondwa zviuru nezviuru zvevanhu kuMidlands neMatabeleland uye kugadzwa kwemutungamiri wenyika mutsva kuZambia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG