Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri Mutsva weZambia, VaHakainde Hichilema, Vagadzwa Zviri paMutemo


Mutungamiri mutsva we Zambia, Va Hakainde Hichilema, vatora mhiko yekutungamira Zambia vachivimbisa kugadzirisa hupfumi hwenyika kuitira kuti munhu wese agare zvakanaka.

VaHichilema vatora chigaro changa chiina Va Edgar Lungu, avo vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika.

Nyanzvi munyaya dzekupepetwa kwemashoko uye ari chizvarwa cheZimbabwe chiri muZambia, Vusimuzi Sibanda, anoti veruzhinji munyika iyi vanga vachiratidza kufara nekutambidzwa kwemasimba kwaitwa muZambia.

Sibanda anoti kukokwa kumabiko aya kwemutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa pamwe nemutungamiri webato rinopikisa, VaNelson Chamisa, kuchabatsira kuumba hukama hwakanaka pakati pehurumende dzemuAfrica nemapato anopikisa.

"Chidzidzo chikuru chatino tarisira kuti dzimwe nyika dzemuAfrica dzichatevedzera chekuti vemapato anopikisa vanoshevedzwawo kumhemberero dzakadayi,uye tine vimbo yekuti zvakaita dzimwe nyika zvekuti vatungamiri venyika vakafamba nevemapato anopikisa tichazviwona zvichiitikawo muZimbabwe," anodaro Sibanda.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG