Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau, Muvhuro, Nyamavhuvhu 16, 2021


Bazi rezvehutano rinoti vanhu gumi nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro vamwe mazana maviri nemakumi matatu nevashanu-235 vachibatwa nacho. Asi huwandu hwevari kufa nekubatwa neCovid-19 munyika hwave kudzikira.

Kanzura veWard 14 mudunhu reUzumba kuMashonaland East, VaFagio Zvondayi Marowa, vanoti chirongwa chekubaiwa kwenhomba yekudzivirira Covid-19 chiri kufamba zvakanaka mudunhu mavo, uye vari kutora matanho akasimba ekuti vanhu vasaungana mundufu senzira yekudzivirira kupararira kwedenda.

Mutungamiri webato guru rinopikisa muZambia VaHakainde Hichilema vokunda zvine mutsindo mutungamiri wenyika iyi VaEdgar Lungu musarudzo. VaLungu vanoti vatambira kukundwa sezvo iri tsika yeZambia kutambidzana masimba murunyararo.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuMalawi kumusangano weSADC wepagore uko mutungamiri wenyika iyi VaLazarus Chakwera vari kutarisirwa kutora chigaro chasachigaro wegungano iri.

Studio 7 yotaura nevamwe vanhu vatatu vakapotsa vaenda kwamupfiganebwe nechirwere cheCovid-19 sezvo vachiti vainge vasina kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere ichi.

Studio 7 yotaura namaneja wechikwata chemaWarriors VaWellington Mpandare vari kuCameroon uko kuchaziviswa mangwana kuti Zimbabwe inenge iri mugungano ripi mumakwikwi enhabvu eAFCON ari kuitirwa munyika iyi.

Muchirongwa cheLive Talk na8pm nhasi tiri kutarisa dambudziko rechirwere cheCovid-19, uye sarudzo dzekuZambia.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG