Vanhu makumi makumi maviri nevapfumbamwe vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mana nemakumi mana nevana vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Zimbabwe yokurudzirwa kuti itenge nhomba dzakawanda kuitira kuti veruzhinji vakwanise kubayiwa nhomba yekudzivirira chirwere cheCovid-19.
Hurumende yeBritain inoburitsa gwaro rinoratidza kusagadzikana kwezvinhu muZimbabwe munyaya dzezvematongerwo enyika, kodzero dzevanhu, zveupfumi, mabhizimusi nehuwori, uye kuyambira kuti nekuda kwezvikonzero izvi, kuita bhizimusi muZimbabwe kune matambudziko nezvimhingamipinyi zvakawanda.
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti hadzione hurumende ichikwanisa kuti iwane chikwereti kune vekunze kuti ibhadhare mari inodarika mabhiriyoni matatu nemamairiyoni mazana mashanu emadhora kuvarimi vachena vakatorerwa mapurazi makore makumi maviri adarika.
Bato reTransform Zimbabwe rinoti rambosendeka hurongwa hwaro hwEkuratidzira hwaifanirwa kunge hwakatanga nezuro sezvo riri kupa mukana wekuti zvinyunyuto zvaro zvigadziriswe, kana zvisina, ropinda mukuratidzira kwaro.
Muchirongwa cheThe Connection na8pm tiri kutarisa kana nZimbabwe yakagadzirira kuvhurwa kwezvikoro zviri kuitwa nevechidiki munyika.
Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.
Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.
Munokwanisawo kunzwa Studio7 na6 am - Muvhuro kusvika Chishanu, pamasaisai anoti 909 am, 6175, 7255 Short Wave.
Facebook Forum