Accessibility links

Breaking News

Misoro yeNhau dzaNhasi, Chitatu, Nyamavhuvhu 11, 2021


Mumiriri weTsholotsho South muparamende, VaZenzo Sibanda, vashaya nhasi nechirwere cheCovid-19

Vanhu makumi matatu nemumwe chete vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu mazana mana nevashanu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Mumiriri weMutasa Central mudare reparamende vari nhengo yeMDC Alliance VaTrevor Saruwaka votaura neStudio 7 nezvekurwara kwavo neCovid-19 uye kushaya kwaambuya vavo nechirwere ichi.

Vanhu vakawanda vari kuramba vachienda kunobaiwa nhomba yeCovid-19 muzvipatara nemakirinika ehurumende nemakanzuru uko vanobaiwa pachena zvichienzaniswa nekune zvimwe zvipatara uko vanobhadhariswa mari kuti vabaiwe.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naMuzvare Shingi Mangwiro vari muno muAmerica, avo vane zviitoro muHarare zvinotengesa mbatya dzevana uye pamusoro pekuparura bepanhau repadandemutande rakanangana nenyaya dzevana vadiki.

Varairidzi vekumaruwa vokurudzira hurumende ivape mukana wekuti vadzidzise munzvimbo dzinogara mhuri dzavo kuitira kuti mihato yavo isaputsike.

Makundano e2020 Olympic Games akauya akapfuura achisiya ndangariro dzinoramba dziripo munhoroondo yemitambo muZimbabwe

Muchirongwa cheLiveTalk na8pm tiri kutarisa zviri kuitwa nezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika.

Kana muchida kupinda muchirongwa ichi, kanawo kutumira mashoko kuStudio7, shandisai WhatsApp nhamba dzinoti 001 202 465 0318.

Vanoda kutererera Studio7, tibateyi na7pm pamasaisai anoti 909 am 4930; 13860, ne 15460 Kilohertz paShort Wave mazuva ose.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG