Panguva iyo vemapato anopikisa vari kurwisa kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa, uye kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere, veZanu PF vari kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru mubato iri zvinofanirwa kutangawo zvabviswa.
National Standing Committee yato reMDC-T rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, yasangana pamuzinda webato iri, weMorgan Tsvangirai House, muHarare, apo yazeya pamusoro penyaya dzakawanda dzinobata sarudzo.
Boka rinotungamira sarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, rinonzi rakati harisi kuzobvumidza kuongororwa kwegwaro revavhoti navanamazvikokota, sezvo izvi zviri kunze kwebumbiro remitemo.
Vatungamiri vaviri ava vanonzi vaita musangano wavo muGreat Hall of The People of Beijing, vakanyorerana zvibvumirano munyaya dzehupfumi, pamwe nekuumba hukama hwakasimba pakati penyika mbiri.
Autism inobata vamwe vana vachiri vacheche, zvekuti vanoonekwa nekunonoka kwavo kubata zvavanenge vadzidziswa, kunonoka kana kutadza kutaura, kana kuita zvimwe zvinhu zvinogona kunzi nevamwe zvakapfurikidza mwero.
Vanachiremba, avo vakanga vachiramwa mabasa mwedzi wapera, vanoti zvinhu zviri kugadzikana muzvipatara kubva pavakawirirana nehurumende vakazobvuma kudzokera kumabasa kutanga nemusi weMugovera.
VaGumbo vanoti vakagara vari nhengo yeZanu PF, musangano wavanoti vakavamba, saka havatarisiri kuti vanoita dambudziko, zvikuru kudzokera musangano revakarwa hondo.
Bato reZanu PF nemusi weChina usiku rakazvisia nezvemitemo mitsva ichashandiswa musarudzo dzekutsvaga vacharimirira musarudzo, kana kuti primary elections, iyo inonzi nevamwe zvinoomesera vamwe vanenge vachida kukwikwidza.
Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo dzemutungamiri wenyika, vamiriri veparamende, makanzura, pamwe nemameya, gore rino pakati pa 21 Chikunguru na21 Nyamavhuvhu, sezvakaziviswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, raramba mashoko ekuti riri kutsigira Muzvare Thokozani Khupe semutungamiri anofanirwa kubata matomu kusvika MDC-T yazosarudza mutungamiri anofanirwa kutora chigaro chakasiiwa namushakabvu, VaMorgan Tsvangirai, avo vaitungamira bato iri.
Chibvumirano ichi chinonzi chichabatsira nyika dzemuAfrica kuburikidza nekusimudzira kutengeserana pakati penyika idzi, uye kubviswa kwemitero inonzi iri kutadzisa kutengeserana kwakasununguka pakati penyika dzemuAfrica.
Chikwata che European Union chevanhu vapfumbamwe chiri munyika kuzoongorora gadziriro yesarudzo kuburikidza nekuita misangano nevamiriri vehurumende, vemapato anopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira.
Chikwata ichi chiri kutarisirwa kunosvitsa gwaro rekuzivisa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kubva pakatorwa masimba naVaEmmerson Mnangagwa, uye zvichemo zvinonzi nemubatanidzwa uyu zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa pamwe nemunguva yesarudzo.
Vashandi vepamugodhi weShamva Gold Mine, vanonzi vakatanga kuramwa mabasa nezuro vachinyunyuta nemashandiro avari kuita, uye kusatambiriswa mihoro nyavo kwemwedzi mina yadarika.
Vanhukadzi vemuZimbabwe vanoti havaone Zimbabwe ichikwanisa kuzadzisa tarisiro yekuti mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi inge yakaenzana panosvika gore rakatarwa neUnited Nations ra2030 rekuti pasi rose ringe rave nebudiriro inooneka.
Homwe yeDiaspora Care Forum iyi, iyo ichange ichishanda semushandirapamwe, inonzi Diaspora Care Forum, uye iri kutsigirwa nemakambani akati kuti.
Vasungwa ava vanosanganisira sachigaro webato mudunhu reBulawayo, VaGift Banda, pamwe nevamwe vakuru veboka rechidiki, vanosanganisira VaMlandu Ncube, VaFelix Maka, VaTinashe Muchemwa, naVaRaymond Gombedza.
Varairidzi vakabatsira ZEC muchirongwa chayo chekunyoresa vanhu kuvhota che Biometric Voter Registration, BVR, vanonzi havasati vabhadharwa mari dzavakashandira kubva pakapetwa chirongwa chekutenderera nenyika yose, che Blitz musi wa 19 Zvita gore rapera.
Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo vari muzvipatara zvehurumende, nezuro vakakanda mapadza pasi vachinyunyuta nekusagadziriswa kwezvichemo zvavo nehurumende.
Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti huwandu hwemadzimai akanyoresa kuvhota uhu hahufanirwe kushamisa vanhu sezvo madzimai akawanda kudarika mapoka ose evanhu munyika.
Rodhai zvimwe