Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti Gadziriro dzeSarudzo Dziri Kumashure Gore Rino


ZEC inonziwo gadziriro yayo ichiri kumashure
ZEC inonziwo gadziriro yayo ichiri kumashure

Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo dzemutungamiri wenyika, vamiriri veparamende, makanzura, pamwe nemameya, gore rino pakati pa 21 Chikunguru na21 Nyamavhuvhu, sezvakaziviswa neZimbabwe Electoral Commission, ZEC.

Sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba, vakazivisawo zvakare kuti zviri kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kutara zuva resarudzo, sekupiwa kwavanoitwa masimba ekuita izvi nebumbiro remitemo.

Asi vamwe vakaita semunyori mukuru webato rinopikisa reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti nguva yacho yasara, inove mwedzi mina kusvika musi wa 21 Chikunguru, yave pfupi kuti pagadzirirwe zvose zvinofanirwa kunge zvaitwa pasati paitwa sarudzo.

VaMwonzora vanoti hapasati pave negwaro revavhoti, uye mapato haasati ariongogorora, hapasati pazivikanwa kuti masangano api achapinda munyika kunoongorora sarudzo, uye hapasati paziviswa kuti ndekupi kuchadhindwa mapepa ekuvhotera.

Iwo mapato ezvematongerwo enyika haasti aitawo sarudzo dzekutsvaga vachaamirira musarudzo, vane mazita anozondeswa kudare rinoona nezvesarudzo, reNomination Court.

Nhengo yeZanu PF vachimirira Mopopoa/Pelandaba muparamende, VaJoseph Tshuma, vanoti sarudzo dzichaitwa zviri mugwara kunyange hazvo nguva iri kufamba.

Ukuwo munyori mukuru muMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo paine zvinhu zvakawanda zvisati zvaitwa kuitira kuti nyika iite sarudzo dzinotambirwa nemunhu wese.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora pamwe naVaJoseph Tshuma
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG