Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inoti Zvirango Ngazvibviswe Vari Kunze Vasati Vabvimudzwa Kuvhota


Zanu PF inoti zvirango zvakatemerwa vamwe mubato iri zvinofanirwa kutanga zvabviswa vari kunze vasati vabvumidzwa kuvhota
Zanu PF inoti zvirango zvakatemerwa vamwe mubato iri zvinofanirwa kutanga zvabviswa vari kunze vasati vabvumidzwa kuvhota

Panguva iyo vemapato anopikisa vari kurwisa kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa, uye kuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere, veZanu PF vari kuti zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru mubato iri zvinofanirwa kutangawo zvabviswa.

Munyori anoona nezvemitemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti kubviswa kwezvirango kunobatsira bato ravo kuti rikwanise kuenda kunyika dzekumawirira kunotsvaga rutsigiro, kana vari kunze vakabvumidzwa kuvhota vari kwavari.

VaMangwana vanoti seZanu PF, vakatozvisa vemapato anopikisa kuti havasi kuzobvumidza vari kunze kwenyika kuvhota kana zvirango zvisati zvabviswa.

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti Zanu PF ndiyo yakakoka zvirango kuburikidza nekutonga kwayo nedemo, saka ndiyo inofanirwa kuona kuti yagadzirisa zvakamboshevedza zvirango izvi.

Vanoti vari kudawo kuti vazive kuti kuchadhindwa mapepa mangani ekuvhotesa, achadhindwa nani, uye kuti vabvumidzwe kuvepo paanodhindwa.

VaMwonzora vanotiwo semapato anopikisa, vari kuda kuti mauto nevasori vanonzi vari kushanda kuZimbabwe Electoral Commission vamiswe basa, uye ZEC ibvumidze kuongororwa kwegwaro revavhoti nevari kunze kwekomisheni iyi, kwete kuti izviongorore basa rayo.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG