Vanachiremba vachangopedza zvidzidzo zvavo vari muzvipatara zvehurumende, nezuro vakakanda mapadza pasi vachinyunyuta nekusagadziriswa kwezvichemo zvavo nehurumende.
Kuramwa mabasa kwavanachiremba uku kunonzi kwakakonzerawo kuti zvipatara zvikuru zvemunyika, zvakaita seMpilo Central Hospital zviise zviziviso pamikova zvinozvisa veruzhinji kuti nekuda kwematanho akatorwa navavachiremba, zvakanga zvave kungotora varwere vari munjodzi chete.
Mutungamiri wavanachiremba vepaMpilo Central Hospital, uye vari mutevedzeri wemutungamiri wesangano ravachiremba nyika yose reZimbabwe Hospital Doctors Association, Dr. Mxolisi Ngwenya, vanotivakanyorera kuhurumende musi wa23 Ndira vachipa zvichemo zvavo, asi havana kuwana mhinduro inovagutsa.
Dr. Ngwenya, vanove zvakare mutauriri weZimbabwe Hospital Doctors Association, vanoti vazonyorera zvakare hurumende imwe tsamba musi wa 5Kukadzi, asi kusvika nhasi hapana zvati zvagadziriswa.
Zvimwe zvezvichemo zvavo zvinosanganisira zvekuti varwere vasatenge mishonga, asi kuti vaiwane muzvipatara, mari dze on-call allowance dziwedzerwe kusvika pa$720.00 pamwedzi, uye kuti mihoro yavanachiremba vachangotanga basa isiyaniswe neyevagara pabasa.
Zvichakadaro, hurumende inonzi iri kukurudzira vanachiremba vari pakuramwa mabasa ava kuti vadzokere pamabasa.
Bepanhau reHerald rinoti gurukota rezvehutano Dr. David Parirenyatwa pamwechete nebhodhi rezvehutano reHealth Services Board, vakaburitsa gwaro neChina usiku vachikurudzira kuti vanachiremba vose vakapinda pakuramwa mabasa vadzokere pabasa, vachiti hurumende iri kutarisisa zvichemo zvavo.
Facebook Forum