Accessibility links

Breaking News

Sangano reDiaspora Care Forum Roumba Hombe Ichabatsira Vari Kunze kweNyika


Mukuru we Diaspora Care Forum, VaSolomon Sox Chikowero
Mukuru we Diaspora Care Forum, VaSolomon Sox Chikowero

Zvizvarwa Zimbabwe zviri kugara muSouth Africa neMugovera wapera zvakaparura homwe ichange ichibatsira nhengo dzayo nemari dzekubatsirika kana dzafunga kudzokera kumusha, kutanga mabhizimusi adzagara dzichishuvira, kana kubatsirika nekunovigwa kumusha kana dzichinge dzashaya dziri kunze kwenyika.

Homwe iyi, iyo ichange ichishanda semushandirapamwe, inonzi Diaspora Care Forum, uye iri kutsigirwa nemakambani akati kuti.

Mumwe wevakaumba homwe iyi, VaSolomon Chikowero, vanoti vakaona zvakakosha zvikuru kuti vatange chirongwa ichi mushure mekuona matambudziko anosangana nevakawanda kana vafunga kudzokera kunyika dzavo asi vasina mari, kana kuti pakaita rufu asi pasina hurongwa hwekubatsira mhuri kuti itakure mudikani wayo kuenda kunomuchengetedza kumusha.

Vanoti nhengo dzinenge dzichibvisa mari dzakasiyanasiyana, zvichienderana nekuti dzapinda muchirongwa chipi.

Semuenzaniso, VaChikowero vanoti nhengo ikapinda muchirongwa chinobatsira pakushaya, inenge ichitarisirwa kubhadhara 70 Rands pamwedzi, asi ichizowaniswa 50 000 Rands kana yafa.

Vanotiwo chirongwa ichi hachina kunangana nevana veZimbabwe chete vari kunze kwenyika, asi kuti chakanangana nezvizvarwa zvenyika dziri kuchamhembe kweAfrica dzese.

Hurukuro naVaSolomon Sox Chikowero
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG