Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inokurudzira Kuvandudzwa neChimbichimbi kweMitemo Inobata Sarudzo


Vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC-T, Muzvare Thabitha Khumalo
Vakafanobata chigaro chemutauriri weMDC-T, Muzvare Thabitha Khumalo

National Standing Committee yato reMDC-T rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa, yasangana pamuzinda webato iri, weMorgan Tsvangirai House, muHarare, apo yazeya pamusoro penyaya dzakawanda dzinobata sarudzo.

Dzimwe nyaya dzinonzi dzazeyiwa dzinosanganisira yekuti mitemo yesarudzo ivandudzwe sarudzo dzisati dzaitwa.

Vakafanobata chigaro chemutauriri webato iri, Muzvare Thabitha Khumalo, vanoti imwe nyaya yavakurukura ndeyekuti vana veZimbabwe vari kunze kwenyika vabvumidzwe kuvhota vari kunyika dzavari.

Muzvare Khumalo vanoti vari kuda kuti ZEC ivazivise kuti vachadhinda magwaro ekuvhotesa ndiyani, uye kuchadhindwa magwaro mangani, nani.

"Pari zvino takakumbira kuti ZEC imbochinja zvimwe zvinhu kuitira kuti kana taakuenda kusarudzo pasaite kupopota," Muzvare Khumalo vanodaro.

Vanotiwo vari kunyunyutawo nezvenyaya yekupinda kwemauto muZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kunyange hazvo hurumende iri kuti mauto aya akasiya basa kare.

Hurukuro naMuzvare Thabitha Khumalo
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG