Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Yotumira Nhume kuMusangano weAfrican Union


Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora

Chikwata chemubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance chiri kutarisirwa kusimuka neChitatu chakananga kumusangano wechimbichimbi weAfrican Union, weExtraordinary Summit of the African Union, uyo uri kuitirwa muguta guru reRwanda, reKigali.

Chikwata ichi chiri kutarisirwa kunosvitsa gwaro rekuzivisa mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe kubva pakatorwa masimba naVaEmmerson Mnangagwa, uye zvichemo zvinonzi nemubatanidzwa uyu zvinofanirwa kugadziriswa sarudzo dzisati dzaitwa pamwe nemunguva yesarudzo.

Vari kutungamira chikwata ichi uye vari munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti chikuru chavari kuda kubva kusangano reAfrican Union ndechekuti rione kuti hurumende yaVaMnangagwa yamanikidzwa kuita sarudzo dzakachena, uye dzakajeka, dzisina kutyisidzirwa kwevanhu.

Vanoti vanodawo kuti iyo African Union izoongorora sarudzo pamwe nemamwe masangano akaita seUnited Nations neEuropean Union.

Vamwe vari muchikwata ichi ndaVaSettlement Chikwinya vebato rePDP, naAmai Miriam Mushayi, vebato reMDC inotungamirirwa naProfessor Welshman Ncube.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG