Bato reZanu PF nemusi weChina usiku rakazvisia nezvemitemo mitsva ichashandiswa musarudzo dzekutsvaga vacharimirira musarudzo, kana kuti primary elections, iyo inonzi nevamwe zvinoomesera vamwe vanenge vachida kukwikwidza.
Mimwe yemitemo yakaziviswa mushure memusangano wePolitiburo weZanu PF, inosanganisira wekuti vose vachada kukwikwidza musarudzo dzekutsvaga vachamirira bato vachatsvaga rutsigiro vari pawechete.
Izvi zvinonzi zviri kuitira kudzivirira kushandiswa kwemashoko ekunyomba vamwe, ayo anonzi anogona kukonzera ruvengo, uyewo kudzivirira kutengwa kwemavhoti.
Vachakwikwidza ava, vanonzi vanofanirwa kunge vari nhengo dzebato reZanu PF kwemakore mashanu kana kudarika, uye vaine zvigaro mumatunhu maduku nemakuru.
Vanonziwo vanofanirwa kunge vachiziva zvematongerwo enyika, zvehupfumi, pamwe nemamiriro akaita zvinhu muZimbabwe.
Vakarwa hondo yerusunungo, pamwe nevakuru mumusangano vachada kukwikwidza musarudzo idzi, vanonzi vachange vasingaomeserwe sedzimwe nhengo dzichakwikwidza.
Zuva resarudzo idzi harisati raziviswa, asi mazita anenge akandwa munguvani anonzi achatanga kuongoororwa nemusi weSvondo.
Mutauriri wesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaDouglas Mahiya, vanoti vanofara zvikuru nekucherechedzwa kwazoitwawo vakarwa hondo kuti vakwanise kukwikwidza musarudzo.
Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanotiwo mimwe yemitemo yakatarwa iyi inombunyikidza hutongo hwejerere, sezvo isiri kupa mikana yakaenzana kune vachada kukwikwidza.
Facebook Forum