Accessibility links

Breaking News

Vanhukadzi vemuZimbabwe Vanoti Havaone Zimbabwe Ichizadzisa Chiga che 50/50 Panosvika 2030


Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reInternational Women's Day
Zimbabwe yabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva reInternational Women's Day

Vanhukadzi vemuZimbabwe vanoti havaone Zimbabwe ichikwanisa kuzadzisa tarisiro yekuti mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi inge yakaenzana panosvika gore rakatarwa neUnited Nations ra2030 rekuti pasi rose ringe rave nebudiriro inooneka.

Madzimai aya anoti hapana zvikuru zviri kuitwa nehurumende munyaya dzekuvhara mikana, mungave mune zveupfumi nebudiriro, kana zvematongerwo enyika. Izvi zvinobuda panguva iyo nyika yabatana nepasi rose nhasi mukucherechedza zuva revanhukadzi, reInternational Women’s Day.

Kunyange hazvo dingindira regore rino riri kukurudzira kuti pashandwe zvakasimba mukuunza budiro kana kuti “Press For Progress”, nhengo yeparamende vachimirira Harare West, Muzvare Jessie Majome vanoti Zimbabwe ichiri kure kuti icherechedze budiriro yevanhukadzi, zvikuru muhurumende, mumakanzuru pamwe nemudare reparamende, umo vanoti zvikamu makumi matatu nezvina kubva muzana chete ndizvo zvevanhukadzi.

Izvi zvinotsinhirwawo nemukuru wesangano reGender and Media Connect, Amai Abigail Gamanya, avo vanoti vanhukadzi vanoita sevakanganwiwa kuti vane zvavanogona kupawo kuti nyika dzavo dzibudirire.

Hurukuro naMuzvare Jessie Majome pamwe naAmai Abigail Gamanya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG