Chipatara ichi chinonzi hachina michina inodiwa mukubatsira kuti vana ava vakwanise kufema. Bepanhau iri rinoti nezuro vana vanosvika zana nemakumi mana vaive vatambirwa pachipatara ichi vachinetsekana nechirwere ichi.
Bato rinopikisa reTransform Zimbabwe mukupera kwesvondo rakaita musangano wenhengo dzaro wekuronga nezve kongiresi yebato iri yekutanga iyo iri kutarisirwa kuitwa mwedzi unouya.
Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa murimwe sangano rinorwisana nehuwori re Anti-Corruption Trust of Southern Africa, VaMunyaradzi Alois Chaumba, vanoti chiri kunetsa muZimbabwe ndechekuti hurumende haina kuzvipira kurwisana nehuwori hwayakatarisa nayo.
Mutevedzeri wemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vakabudawo pachena vachiti ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato sezvinodiwa nebumbiro remitemo yebato ravo.
Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti kushaya kwevaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, hakufanirwe kubva kwavewo kuparara kwemubatanidzwa wavakanga vavaka, weMDC Alliance, uyo une mapato manomwe anopikisa.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirwa kuti zvitore mikana yekuita mabhizimusi kumusha iri kuunzwa nehurumende itsva yavepo iri kutungamirwa naVaEmmerson Mnangagwa.
Vaive mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vakaradzikwa kumusha kwavo kuBuhera nezuro asi mubato mavo mabva matangazve makakatanwa pakuti ndiyani achatungamira bato iri pakati paVaNelson Chamisa, VaElias Mudzuri naMuzvare Thokozani Khupe.
Muzvare Khupe vanoti izvi ndizvo zviri mubumbiro remitemo yebato ravo. Vanoti vamwe vose vari kuzviti ndivo vakafanobata matomu vari kutaura zvemugotsi matsuro sezvo vari kunzvenga chokwadi, chinove bumbiro rebato.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana mubhuku rekwa Humanikwa, mudunhu reBuhera kuManicaland, zvichionekana nemushakabvu, uye vaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo varadzikwa nhasi masikati.
Mukuru wevechidiki mubato iri, VaHappymore Chidziva vanoti vane kurwadziva kukuru, zvikuru sevechidiki, nekushaya kwaVaTsvangirai uku. VaChidziwa vanoti tarisiro yavo sevechidiki yakanga iri panaVaTsvangirai.
Bato rinopikisa reTransform Zimbabwe rinoti riri kuronga kuratidzira kukuru nhasi muHarare richinyunyuta nehurongwa hwehurumende hwekuti bvunzo dzeChirungu dzakanyorwa pa “O” Level gore rapera, dzidzokororwe.
VaMatanga, avo vaive vakafanobata chigaro ichi, vari kutsiva VaAugustine Chihuri, avo vakasiya basa muna Zvita wegore rapera vachienda pamudyandigere.
Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kuzotora matanho anosanganisira kuunganidza vashandi vekune mamwe mapoka kuti vabatane nemadzimai evashandi vepamugodhi weHwange Colliery.
Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti makakatanwa nekunetsana kuri kubuda mubato reMDC-T, kuchatokanganisa gadziriro yebato iri musarudzo dziri kutarisirwa munyika gore rino, sezvo mubato iri mave nemapoka ari kudhonzerana.
Sezvo chirongwa chekunyoresa kuvhota cheBiometric Voters’ Registration mop-up chiri kupetwa nemusi weChina munyika yose, vakawanda vari kunze kwenyika vanoti havachazivi remangwana ravo panyaya yekuti vachapinda here musarudzo gore rino.
Mutauriri webato, VaObert Gutu vanoti zvikuru zvakurukurwa mumusangano uyu ndezvekuti vachamirira bato musarudzo vachasarudzwa sei, uye kuti ndavanaani vanenge vachizovhotawo.
Komisheni inoona nezvekupodzwa kwemaronda pamwe nekuregererana, yeNational Peace and Reconciliation Commission, iri kutarisirwa kutanga kushanyira matunhu emunyika kubva musi wa 9 mwedzi uno
Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nhasi vaparura hurongwa hwemamiriro akaita nyika yeAmerica kana kuti State of the Union Address.
Kusanaya kwemvura mumatunhu akawanda emunyika kunonzi kwave kuita vanhu pamwe chete nezvipfuyo zvavo vapinde munjodzi yezvekudya pamwe nekushaikwa kwemvura yekunwa.
Rodhai zvimwe