Accessibility links

Breaking News

Bato reTransform Zimbabwe Rotanga Gadziriro yeKongiresi Yaro Yekutanga


Mutungamiri weTransform Zimbabwe VaJacob Ngarivhume

Bato rinopikisa reTransform Zimbabwe mukupera kwesvondo rakaita musangano wenhengo dzaro wekuronga nezve kongiresi yebato iri yekutanga iyo iri kutarisirwa kuitwa mwedzi unouya.

Mutungamiri webato iri, VaJacob Ngarivhume, vanoti musangano wavo uyu wakazeyawo nezvekusarudzwa kwenhengo dzichakwikwidza dzakamirira bato iri mumubatanidzwa wemapato anopikisa weMDC Alliance.

Vanoti vanotarisira kuti nhengo dzavo dzine makadhi ebato akabhadharwa zvizere dzinodarika zviuru zvitatu dzichapinda mumusangano wekongiresi uyu.

VaNgarivhume vanoti musangano uyu uchaitwa kwemazuva maviri anoti 23 na 24 Kurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG