Vaive mutungamiri webato rinopikisa reMovement for Democratic Change VaMorgan Tsvangirai vakaradzikwa kumusha kwavo kuBuhera nezuro asi mubato mavo mabva matangazve makakatanwa pakuti ndiyani achatungamira pakati paVaNelson Chamisa, VaElias Mudzuri naMuzvare Thokozani Khupe.
Pakuradzikwa kwaVaTsvangirai panonzi pakaita bata murefu bata mupfupi vamwe vechidiki rebato iri vachiti vaida kurova Muzvare Khupe, munyori mukuru webato VaDouglas Mwonzora uye vaoona nezvemabasa mubato VaAbednicho Bhebhe.
Vatatu ava vari kupomerwa mhosva yekuramba nyaya yemubatanidzwa weMDC Alliance uyo une mapato manomwe.
Nyaya yemhirizhonga iyi yashorwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe uye sangano reZimbabwe Peace Project kana kuti ZPP. Sangano iri rinoti chiri kunetsa inyaya yekuti bato iri roenda kukongiresi here kana kuti rongotambira zvakabuda kubva kuNational Council yebato zvekuti VaChamisa vafanotungamire.
Vamwe muMDC-T vanoti vanoda kuti pauye vana mutongi gava vekunze kuzobatsira kuyananisa vari kunetsana ava. Sarudzo dziri kutarisirwa kuitwa muna Chikunguru zvekuti zviri kunetsa zvikasagadziriswa zvinogona kukanganisa bato iri musarudzo.
Nezuro pachirongwa cheLive Talk, Studio 7 yakaita hurukuro naVaChamisa na Muzvare Khupe.
Muzvare Khupe vakati pachitariswa bumbiro remutemo, ivo ndivo vanofanira kunge vachifanotungamira.
Asi VaChamisa vati ivo ndivo vakasarudzwa neNational Council kuti vatungamire bato parizvino.
Facebook Forum