Accessibility links

Breaking News

Vaive Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai Vanoradzikwa kuBuhera


Zviuru nezviuru zvevanhu zvaonekana naVaMorgan Tsvangirai pavaradzikwa nhasi kuBuhera.
Zviuru nezviuru zvevanhu zvaonekana naVaMorgan Tsvangirai pavaradzikwa nhasi kuBuhera.

Zviuru nezviuru zvevanhu zvaungana mubhuku rekwa Humanikwa, mudunhu reBuhera kuManicaland, zvichionekana nemushakabvu, uye vaive mutungamiri weMDC, VaMorgan Tsvangirai, avo varadzikwa nhasi masikati.

Kunyange kwanaya mvura yakasimba mangwanani anhasi, izvi hazvina kuoresa mwoyo yevaungana ava, vanosanganisira mutungamiri weBotswana, VaIan Khama, mutungamiri webato rinopikisa muKenya VaRaila Odinga, vemizinda inosanganisira America, Britain neSweden, pamwe nevemapato anopikisa emunyika nekune dzimwe nyika, vemakereke, vashandi nevebato riri kutonga reZanu PF.

Vataura vakamirira bato reMDC-T, uye vari mumwe wevaive vatevedzeri vaVatsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza vanhu vaungana kuti VaTsvangirai vaive munhu aizvininipisa, uye aive nemuono wezvemberi wekuti Zimbabwe inge iine hutongo hwejekerere, vachiti VaTsangirai vakanga vari munhu akanga asingafariri zvemhirizhonga.

Panyaya yemakakatanwa ari muhutungamiri hwebato reMDC-T, VaChamisa vati vanhu havafanirwi kuchemachema zvavo, kuti remangwana reMDC-T rinenge rakamira sei panyaya yekuti ndiani achatungamira bato sezvo VaTsvangirai vakasiya ndivo vakasiya varonga.

Vechidiki veMDC-T, vanonzi vadzinga kubva pamariro aya mumwe wevaive vatevedzeri vaVaTsvangirai, Muzvare Thokozane Khupe pamwe nemunyori mukuru webato, VaDouglas Mwonzora.

Vamwe vemapato anopikisa vanga varipowo pakuradzikwa kwaVaTsvangirai vanosanganisira mutungamiri weNational People’s Party, Amai Joice Mujuru, vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa, Professor Arthur Mutambara, pamwe nemutungami wePeople’s democratic party, VaTendai Biti.

Sachigaro weZanu PF Amai Oppah Muchinguri-Kashiri ndivo vanga vakamirira bato riri kutonga reZanu PF, kuchitiwo gurukota redunhu reManicaland, Amai Monica Mutsvangwa, ndivo vanga vakamirira hurumende.

Amai Muchinguri-Kashiri vataurawo makuvigwa kwaVatsvangirai, vachiti VaTsvangirai vaive munhu akanga asingade zvemhirizhonga. Vechidi veMDC-T vasveveredza Amai Muchinguri-Kashiri pavanga vachitauta.

NeMuvhuro manheru vechidiki ava vakabvutawo marongo aibikirwa chikafu, uye mangwanani eChipiri vechidiki ava vabvutawo chingwa changa chauyiswa parufu apa mushure mekunge vavhura rhorhi yanga yakatakura chingwa ichi.

Hurukuro naLoirdham Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG