Accessibility links

Breaking News

Chirongwa cheVechidiki veZANU PF Chekutsvaga Rutsigiro paDandemutande Chopembedzwa


Vechidiki veZanu.
Vechidiki veZanu.

Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti zvakaitwa nevechidiki veZanu PF zvekuparura chirongwa chekutsvaga rutsigiro padandemutande chinhu chakanaka chose, sezvo zvichiita kuti vanhu vasashungurudzwa vachimanikidzwa kuenda kumisangano.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande, vanoti zvakanaka chose kana chete zvisingazoshandiswe mukushungurudza vamwe pamadandemutande.

Vechidiki veZanu PF neMugovera vakaparura chirongwa chavo chepadandemutande che #EDhasMYVOTE, icho chakanangana nekutsvagira rutsigiro mutungamiri webato ravo VaEmmerson Mnangagwa musarudzo dzemutungamiri wenyika dziri kutarisirwa kuitwa gore rino.

Vechidiki ava vanonzi vakatsinhirawo kuti sebato havachashandisa ma slogan anoti pasi nemumwe munhu, vachiti danho iri rakatotambirwa nehutungamiri hweZanu PF.

VaSande vanotiwo danho rebato reZanu PF rekusiyana netsika yekuti 'pasi nanhingi' rakanaka chose, sezvo vanhu vachiziva kuti kana munhu akanzi pasi naye zvinenge zvichireva kuti ngaaurayiwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG