Accessibility links

Breaking News

Vari Kunze kweNyika Votadza Kuziva reMangwana Ravo muSarudzo


Chirongwa che BVR chiri kudzokororwa mop-up chiri kutarisirwa kupetwa mangwana, asi vanhu vanoramba vachinyoresa kuvhota

Sezvo chirongwa chekunyoresa kuvhota cheBiometric Voters’ Registration mop-up chiri kupetwa nemusi weChina munyika yose, vakawanda vari kunze kwenyika vanoti havachazivi remangwana ravo panyaya yekuti vachapinda here kana kuti kwete musarudzo dziri kutarisirwa gore rino vachivhota vari munyika dzavagere.

Mumwe wevari kunze ava ndaAmai Chenaimoyo Mutambasere vesangano reZimbabwe Citizens Initiative, avo vari kuLondon kuBritain.

Amai Mutambasere vanoti havachaoni hurumende iine chaichavaitira kuti vakwanise kunyoresa kuvhota kuitira kuti vazovhota gore rino, sezvo pachiratidza sekunge pasisina nguva.

Asi vanoti zvakangonakawo zvakare kuti vatange vanzwa zvichabuda munyaya yakakwidza kudare reConstitutional Court nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvichimirirwa neZimbabwe Lawyers for Human Rights,yekuti zvibvumidzwe kuvhota zviri munyika dzazvigere.

Nyaya iyi yanzi nedare inzwikwe musi wa 14 Kukadzi 2018.

Amai Mutambasere vanoti kana dare rakapa mutongo unotsigira kuti vavhote vari nyika dzavari, kana dai vakasakwanisa zvavo kuvhota gore rino, zvinenge zvangovanakira musarudzo dzinouya.

Asi dzimwe nyaya mbiri dzakambopinzwawo mumatare dzakafanana naiyoyi hadzina kuunzira vana veZimbabwe vari kunze mufaro, sezvo matare akarasa nyaya idzi, uyewo kupa mutongo usingavafadze.

Kunyange hazvo pasati patarwa zuva resarudzo, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatoyambira kare kuti sarudzo dzinogona kuitwa mwedzi waChikunguru usati wasvika.

Asi dzimwe nyanzvi mune zvemutemo dzinoti izvi hazvigoni kuitika sezvo bumbiro remitemo richiti sarudzo dzinofanirwa kuitwa chete pakati pa22 Chikunguru na22 Nyamavhuvhu, kunze kwekunge VaMnangagwa vaparadza dare reparamende.

Chirongwa che BVR chiri kudzokororwa ichi kana kuti mop-up, chiri kutarisirwa kupetwa neChina, asi vanhu vanonzi vacharamba vachinyoresa kuvhota mune dzimwe nzvimbo mumatunhu avagere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG