Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheMapapu muVana Vadiki Chinonzi Chabata Guta reHarare


Chirwere chemapapu ichi chinonzi chinonyanyobata vana vane makore mashanu zvichidzika, uye vanenge vachinetseka kufema.
Chirwere chemapapu ichi chinonzi chinonyanyobata vana vane makore mashanu zvichidzika, uye vanenge vachinetseka kufema.

Bepanhau reHerald rinoti muHarare maita chirwere chemapapu chiri kubata vana vadiki, pachibudawo mashoko ekuti chipatara chevana vadiki chemunyika cheHarare Children's Hospital, icho chiri paHarare Central Hospital, chiri kukundikana kubatsira vana vose vari kuendeswa pachipatara ichi.

Chipatara ichi chinonzi hachina michina inodiwa mukubatsira kuti vana ava vakwanise kufema. Bepanhau iri rinoti nezuro vana vanosvika zana nemakumi mana vaive vatambirwa pachipatara ichi vachinetsekana nechirwere ichi.

Mazuva mashoma adarika, hurumende yakazivisawo kuti zvipatara zvayo hazvichina oxygen, izvo zvinonzi zvakaita kuti chipatara chevana cheHarare Children’s Hospital chimbovhara zvimwe zvikamu zvacho.

Mutauriri wesangano ravanachiremba vanorwira kodzero dzevanhu, reZimbabwe Doctors for Human Rights, Doctor Fortune Nyamande, vanoti kushaikwa kwe oxygen munyika kuchatowedzera dambudziko rechirwere chemapapu chanetsa muguta guru renyika ichi, zvichizoita kuti chirwere ichi chipararire kune mamwe matunhu.

Doctor Nyamande vanoti chirwere chemapapu ichi chinonyanyobata vana vane makore mashanu zvichidzika, uye vanenge vachinetseka kufema.

Vanoti vabereki vanokwanisa kudzivirira vana vavo kubva kuchirwere ichi kuburikidza nekuita hutsanana, zvikuru pamweya wakavapoteredza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG