Accessibility links

Breaking News

Kusanaya kweMvura Kwokonzera Matambudziko kuVanhu neZvipfuyo muNyika


Chibage chave kuoma nekuda kwekushaya mvura

Kusanaya kwemvura mumatunhu akawanda emunyika kunonzi kwave kuita vanhu pamwe chete nezvipfuyo zvavo vapinde munjodzi yezvekudya pamwe nekushaikwa kwemvura yekunwa.

Rimwe rematunhu emunyika anonzi atarisana nedambudziko iri, idunhu reDete, Hwange District, kuMatabeleland North.

Mumwe mugari wedunhu iri, VaStanley Torima, vanoti zvipfuyo nevanhu vave kurwira mvura shoma yave kuwanikwa zvekuti mombe zhinji dzave kupona nekunwa mvura yekurasirwa tsvina.

"Ndichitaura hangu ndakatarisa dunhu randinogara reDete, nzara iriko. Huswa chaihwo hwen'mbe hwakaoma, kana iyo mvura chaiyo yekunwa kumatsime hakuna."

Vanoti vakwegura nevakaremara ndivo vari kubatsirwa nechikafu nebazi rezvekugara kwakanaka kwevanhu.

Asi VaTorima vanoti hurumende inofanirwa kutanga kuchipa chikafu kuvanhu vose zvisineyi nekuti ane zera ripi, sezvo nzara isiri kusarudza.

"Pane dambudziko rekuti social welfare yaakupa ne condtion yekuti inopa vanhu vane makore makumi manomwe zvichikwira, kana kuti vanenge vane hurema hwavanenge vachitarisa kuti vanotanga kupa pahurema hwakati. Saka ipapo vanofanirwa kuve considerate vanhu ve social welfare, because ndo so far bazi rasara rinogona kuita sei, kumirira vanhu," VaTorima vanowedzera.

Vanoti panofanirwawo kuitwawo hurongwa hwekuti chikafu chemombe chaiwanikwe, vachiti kana zvakaramba zvakadai vazhinji vacharasikirwa nezvipfuyo zvavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG