Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nezuro vakadoma vaive vakafanobata chigaro chemukuru wemapurisa, VaGodwin Matanga kuti vave ndivo mubati wechigaro, kana kuti Police Commissioner General.
Nhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation inoti VaMatanga vadomwa kuburikidza nechikamu chebumbiro remitemo yenyika, icho chinotsigira kuti pave nemukuru wemapurisa.
VaMatanga vari kutora chigaro chaive nevakaenda pamudyandigere, VaAugustine Chihuri, avo vakasiya basa muna Zvita wegore rapera. Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chiri muColumbus, kudunhu reOhio, muAmerica, uye vaine ruzivo nemashandiro emapurisa, VaZvidzai Ruzvidzo, vanoti vanotambira chose kudomwa kwaVaMatanga.
VaRuzvidzo vanoti VaMatanga vane ruzivo rwakakosha rwunodiwa neboka remapurisa rwavakaunganidza munguva yavaive vari mutevedzeri vaVaChihuri.
Asi vanoti chikuru chinofanirwa kuitwa naVaMatanga, kurwisana nehuwori hunonzi huri mumapurisa, uye kudzosa chivimbo nechiremera zvemapurisa mune veruzhinji, avo vanga vasisaremekedzi mapurisa nekuda kwezvipomerwa izvi.
Facebook Forum