Accessibility links

Breaking News

Vamwe Voti Kunetsana Kuri muMDC-T Kuchakanganisa Bato iri Musarudzo


Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai
Mutungamiri weMDC-T, VaMorgan Tsvangirai

Dzimwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika dzinoti makakatanwa nekunetsana kuri kubuda mubato reMDC-T, kuchatokanganisa gadziriro yebato iri musarudzo dziri kutarisirwa munyika gore rino, sezvo mubato iri mave nemapoka ari kudhonzerana.

Mumwe anoongorora zvematongerwo enyika akazvimirira, VaJoy Mabenge, vanoti bato reMDC-T rinofanirwa kukasika kugadzirisa nyaya yehutungamiri kubva kuna ivo VaMorgan Tsvangirai kusvika kuvatevedzeri vavo vatatu, ivo VaTsvangirai vachizivisawo pavamire kuti vachasiya riini chigaro chavo, uye vanhu vosarudza achatora matomu kubva kwavari.

"Kunonoka kuzvitaura zvine dambudziko nekuti uyo achazenge aakuzonzi achifanira kunge achitsiva VaTavsngirai anogona kunge asina rutsigiro rwakafanana nerwaVaTsvangirai, kana kuti zvinogona kutonetsa kuti pasvikwe pakuti ndiano munhu iyeye," VaMabenge vanodaro.

Asi vanotiwo remangwana remusangano weMDC-T ratove zinyekenyeke kana uchinge usina VaTsvangirai semukokeri mukuru.

Asi imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishandawo vakazvimirira, VaCharles Mutasa, vanotiwo dambudziko riri mubato iri rakabva pakudomwa kwevatevedzeri vemutungamiri vatatu.

"Dambudziko harisi pakuti VaTsvangirai vataura here kuti 'varume chisarudzai, kana kuti mosarudza nhingi. Asi chiri kungoratidza apa ndechekuti kunyangwe dai taiti VaTvsangirai vasimba nhasi, vanaya, eeh, dambudziko rebato hombe ririko nderekuti hapatorina kubatana kwacho pavatevedzeri vatatu ava," VaMutasa vanodaro.

VaTsvangirai vakasiya vadoma VaElias Mudzuri kuti vafanobata matomu, asi pave nekudhonzerana kwakanyanya pakati paVaMudzuri nemumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, VaNelson Chamisa, avo vakaziviswa neChitatu nemutauriri waVaTsvangirai, VaLuke Tamborinyoka, kuti ndivo vave kufanobata matomu kusvika VaTsvangirai vadzoka.

Mumwe wevatevedzeri vaVaTsvangirai, ndiMuzvare Thokozane Khupe.

Hurukuro naVaJoy Mabenge pamwe naVaCharles Mutasa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG