Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yokurudzira Vashandi Kuti Vabatane Mukuratidzira Kuri Kuitwa neMadzimai eVashandi kuHwange


Madzimai evashandi vemugodhi weHwange vari kunyunyuta nekusabatwa zvakanaka kwevarume vavo panyaya dzemihoro
Madzimai evashandi vemugodhi weHwange vari kunyunyuta nekusabatwa zvakanaka kwevarume vavo panyaya dzemihoro

Sangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kuzotora matanho anosanganisira kuunganidza vashandi vekune mamwe mapoka kuti vabatane nemadzimai evashandi vepamugodhi weHwange Colliery, avo vari kuratidzira vachinyunyuta nekusabhadharwa zvakanaka kuri kuitwa varume vavo, uye kusabatwa zvakanaka pabasa.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti vachashandisawo mukana wekuratidzira uku senzira yekunyunyuta kubazi rezvevashandi nemabasa nekusatora matanho kwavanoti riri kuita panyaya yemihoro yevashandi iyi.

VaMoyo vanoti madzimai evashandi ava, ayo vanoti akashinga zvikuru, nhasi apinda muzuva rechigumi nerimwe vachiratidzira asi hutungamiri hwemugodhi weHwange huchingoramba kutaura navo, kana nehutungamiri hweZCTU.

VaMoyo vanoti mumazuva mashoma adarika kambani iyi yakaisa twavanoti twumari mumabhanga evashandi, utwo vanoti hatwuna zvatwunoreva pachitariswa mari dzisati dzabhadharwa vashandi ava.

Vashandi vepamugodhi uyu vanonzi vave nemakore anodarika mashanu vasiri kutambiriswa mihoro yavo izere. Studio7 yakundikana kunzwa divi remugodhi weHwange panyaya iyi.

Hurukuro naVaJaphet Moyo
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG