Accessibility links

Breaking News

Bato reTransform Zimbabwe Roratidzira Pamusoro peBvunzo dzeChirungu Dziri Kudzokororwa


Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume
Mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume

Bato rinopikisa reTransform Zimbabwe rinoti riri kuronga kuratidzira kukuru nhasi muHarare richinyunyuta nehurongwa hwehurumende hwekuti bvunzo dzeChirungu dzakanyorwa pa “O” Level gore rapera, dzidzokororwe.

Hurumende, kuburikidza negurukota rezvedzidzo, VaPaul Mavima, yakazivisa kuti gwaro iri richadzokororwa neChishanu svondo rino, sezvo pakave nekubiridzirwa kwesarudzo kwakanyanya nevana vakanyora bvunzo dzeChirungu gore rapera.

Asi mutungamiri weTransform Zimbabwe, VaJacob Ngarivhume, vanoti bato ravo haribvumirane nedanho rehurumende iri sezvo pasina kupiwa nguva yakakwana yekuti vana nevabereki vagadzirire.

VaNgarivhume vanoti chimwe chinhu chiri kuvashungurudzqa ndechekuti vana nevabereki vakawanda mumatunhu emunyika havasi kutoziva kuti zviri kurongwa zvakadai, sezvo hurumende isina kufambisa shoko iri kuvanhu vose vanotarisirwa kudzokorora bvunzo idzi.

Vanotiwo chimwe chisina kupindurwa nehurumende ndechekuti vana vanenge vasina kukwanisa kunyora zvakare bvunzo idzi vachaitwa sei, nekuti vamwe vevana ava vakatobuda munyika vachiita zvimwe vachifunga kuti vakatopedza nezvebvunzo idzi.

VaNgarivhume vanotiwo vakatopiwa mvumo kare nemapurisa yekufora.

Mamwe masangano evarairidzi akaita seAmalgamated Rural Teachers Zimbabwe neProgressive Teachers' Union of Zimbabwe, akazivisawo kuti achapindawo mumigwagwa achiratidzirawo pamusoro penyaya iyi.

Kuratidzira kose uku kuri kuuya panguva iyo dare repamusoro riri kutarisirwa nhasi kupa mutongo waro panyaya yebvunzo iyi yakakwidzwa nevamwe vana vechikoro vaviri vachipikisa danho rekudzokorora bvunzo iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG