Accessibility links

Breaking News

VaTrump Voparura Hurongwa hweMamiriro Akaita Zvinhu muAmerica


VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaDonald Trump nhasi vaparura hurongwa hwemamiriro akaita nyika yeAmerica kana kuti State of the Union Address mudare reCapitol, Washington DC.

Aka ndekekutanga VaTrump vachitura mashoko akadai kunyika kubva zvavakatora mhiko gore rapera.

VaTrump vakati vari kufara kuti hupfumi hwenyika yawo huri kufamba zvakanaka zvichiratidza kuti gwara rehupfumi ravakatora rekusimbisa kuti America pamberi kana kuti America First riri kushanda. VaTrump vati vanhu vakwanisa kuwanawo mabasa.

VaDonald Trump mutevedzeri vavo VaMike Pence nemutauri wedare reHouse VaPaul Ryan
VaDonald Trump mutevedzeri vavo VaMike Pence nemutauri wedare reHouse VaPaul Ryan

Panyaya yevapoteri vakauya muAmerica vari vadiki nevabereki vainge vasina mapepa, VaTrump vati vachayedza kushanda nedare reHouse of Assembly neSenate kuunza mutemo wekugadzirisa nyaya iyi.

Vapoteri ava parizvino vari pasi pechirongwa chinombomira kuvadzinga muAmerica asi chave kusvika kwamvura yacheka makumbo chinonzi Deferred Action for Childhood Arrivals kana kuti DACA.

Asi VaTrump vati vacharwisa vamwe vanoita zvehugehenga vanonzi MS13 avo vanopinda muAmerica zvisiri pamutemo vouraya vanhu.

VaTrump vataurawo nenyaya iri kunetsa muAmerica yavari kuongororwa neimwe komiti yekuti mukukunda kwavakaita sarudzo vachinzi vaibatsirwa neRussia. Varamba nyaya yekuti vaibatsirwa vachiti vakangokunda Amai Hillary Clinton vemaDemocrats zvine mutsindo.

VaTrump vatiwo vanoda kuti mapato ose emuAmerica aite mubatira pamwe chuma chemuzukuru, maDemocrats nemaRepublicans.

VaTrump vatiwo hurumende yavo yakabudirira kurwisa nekukunda chikwata chinopfurikidza mwero cheISIS.

Vachipindurawo mashoko aVaTrump aya, nhengo yedare reHouse of Assembly VaJoseph Kennedy the Third vataura vakamirira maDemocrats vati VaTrump vari kuunza kusabatana munyika nemitemo yavo.

Rep. Joe Kennedy
Rep. Joe Kennedy

Amai Elizabeth Guzman vekudare reVirginia House of Delegates vataura vakamirira maDemocrats mururimi rweSpanish vati mitemo yaVaTrump inoomesera vapoteri vekune dzimwe nyika.

Amai Elizabeth Guzmán
Amai Elizabeth Guzmán

Studio 7 yataura nezvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri muAmerica kuti tinzwe pfungwa dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Dr Elliot Masocha vanodzidzisa nyaya dzezvehupfumi vanoti mitemo yaVaTrump inobatsira vapfumi vemuAmerica kunyanaya asi varombo vachinonga svosve nemuromo.

Doctor Frenk Guni avo vari muno muWashington DC vatiwo zvataurwa naVaTrump zvekuti vachanyima mari yerubatsiro kunyika dzisingawirirane navo zvikuru panyaya yekudyidzana kwavo neIsrael zvinogona kukanganisa dzimwe nyika dzemuAfrica.

VaZvidzai Ruzvidzo vanogara kuOhio vaudzawo Studio 7 kuti mitemo yaVaTrump ichaomesera zvizvarwa zvekune dzimwe nyika zvine mapepa sezvo zvinenge zvisingachabvumidzwe kuunza vabereki nedzimwe hama.

Mutungamiri wenyika yeAmerica muna Ndira gore rega rega anotura mashoko emamiriro ezvinhu kana kuti State of the Union.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:10:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG