Accessibility links

Breaking News

Nhengo dzeMDC-T Dzinosungwa kuBulawayo


Nhengo dzeMDC-T kuBulawayo dzinonzi dzakarwisana neSvondo izvo zvakasiya vanhu gumi nevashanu vakuwara.
Nhengo dzeMDC-T kuBulawayo dzinonzi dzakarwisana neSvondo izvo zvakasiya vanhu gumi nevashanu vakuwara.

Mapurisa muBulawayo asunga nhengo gumi neina dzeMDC-T muguta iri zvichitevera mhirizhonga yakaitika musi weSvondo pamahofisi eMDC-T muBulawayo makare.

Vasungwa ava vanosanganisira sachigaro webato mudunhu reBulawayo, VaGift Banda, pamwe nevamwe vakuru veboka rechidiki, vanosanganisira VaMlandu Ncube, VaFelix Maka, VaTinashe Muchemwa, naVaRaymond Gombedza.

Vasungwa ava vanonzi vasainiswa magwaro ekuvarovera nemhosva yekukonzera mhirizhonga, kana kuti warned and cautioned statement, uye vakachengetedzwa paBulawayo Central Police station, pavacharara vachitarisirwa kuzoendeswa kudare redzimhosva neChitatu.

“Mapurisa anga ari pano apa vatiudza kuti vawana instruction from above yekuti vasati rilize,” VaMuchemwa, avo vanove zvakare munyori anoona nezvesarudzo muboka revechidiki, vanodaro.

Mhirizhonga yakaitika kuBulawayo iyi inonzi yakasiya vanhu gumi nevashanu vakuvara, vaviri vavo zvakaipisisa.

Mumwe wevatevedzeri vemutungamiri Webato, Muzvare Thokozani Khupe, avo vari kuzvitiwo ndivo vakafanobata chigaro chemutungamiri webato, vanoti naivowo vakarohwawo mukurwisana uku.

Bato reMDC-T rinoti riri kushoropodza mhirizhonga iyi, uye rinonzi rakatoumba chikwata chiri kuongorora nezvemhirizhonga iyi.

VaMuchemwa, vanoti ivo nevamwe vavo vari kuramba mhosva yavari kupomerwa iyi, uye vanofunga kuti pane vamwe vanhu vavasina kudoma nemazita, vakonzeresa kusungwa kwavo.

Hurukuro naVaTinashe Muchemwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG