Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanonyorerana Zvibvumirano neMutungamiri weChina


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vasangana muBeijing nemutungamiri weChina, Va Xi Jinping.

Vatungamiri vaviri ava vanonzi vaita musangano wavo muGreat Hall of The People of Beijing, vakanyorerana zvibvumirano munyaya dzehupfumi, pamwe nekuumba hukama hwakasimba pakati penyika mbiri.

Zvibvumirano zvitanhatu zvanyoreranwa zvinosanganisira zveupfumi, zvebudiriro, pamwe nerubatsiro rwechikafu munguva dzenjodzi.

Chimwe chibvumirano chinonzi chakanangana nenyaya dzekurima. VaMnangagwa vari muChina kekutanga semutungamiri wenyika, kunyange hazvo vaimboperekedza vaimbove mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe.

Rwendo rwemutungamiri wenyika urwu rwuri kutarisirwawo kuti rwuchapa mukana zvizvarwa zveChina zvinoda kuzotanga mabhizimusi munyika.

Mutevedzeri wegurukota rezvemari nehupfumi, VaTerence Mukupe, vati China iri kuda kunzwawo kubva kuZimbabwe kuti zvii zvairi kuda kuita senyika mukuvandudza hupfumi hwayo.

VaMukupe vati chikuru chiri kuda kuitwa neChina kuvhura mukana wekuti vanamuzvinabhizimusi veikoko vashande neZimbabwe, ivo vachiwanawo zvakapfumbatwa neZimbabwe.

Vatiwo hukama hweZimbabwe neChina hwakabva kure uye inyika inotarisawo Zimbabwe neziso rakanaka.

VaMnangagwa, avo vari kuperekedzwa nemudzimai wavo, Amai Auxilia Mnangagwa, pamwe nemakurukota ane chitsama, vari kushanya kwemazuva mashanu.

China yava nenguva ichisima mari yayo muZimbabwe zvikuru munyaya dzemhando dzemoto, nhandare dzendege, migodhi nezvimwe.

Nyanzvi mune zveupfumi vachishanda vakazvimira uye vakambotungamirawo sangano reZimbabwe National Chamber of Commerce (ZNCC), VaLuxon Zembe, vanoti zvinofadza zvikuru kuti VaMnangagwa vakwanisa kunyorerana zvibvumirano muzuva ravo rekutanga kushanya kunyika iyi.

Asi VaZembe vanokurudzira kuti dai VaMnangagwa vakwanisa kuwaniswa rubatsiro rwemari kuitira kurerutsa dambudziko rekushaikwa kwemari munyika.

Hurukuro naVaLuxon Zembe
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG