Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoramba Mashoko eKuti Iri Kutsigira Muzvare Khupe


Chamisa Khupe

Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, raramba mashoko ekuti riri kutsigira Muzvare Thokozani Khupe semutungamiri anofanirwa kubata matomu kusvika MDC-T yazosarudza mutungamiri anofanirwa kutora chigaro chakasiiwa namushakabvu, VaMorgan Tsvangirai, avo vaitungamira bato iri.

Munyori mukuru weZCTU, VaJaphet Moyo vanoti sangano ravo harineyi nechekuita nemashoko anonzi akataurwa nemunhu anonzi Nthando Ndlovu pamusangano wakaitwa muBulawayo, uyo akabuda panhepfenyuro yeStudio 7 munhau dze iSiNdebele achiti aimirira ZCTU achiti sangano iri riri kutsigira Muzvare Khupe, mumakakatanwa ari muMDC-T.

VaMoyo vanoti kunyange hazvo sangano ravo riine chekuita nekuumbwa kwebato reMDC, havapindiri mukusarudzwa kwevatungamiri, sezvo iri riri basa revatsigiri nenhengo dzebato iri.

Asi VaMoyo vaudza weStudio 7 kuti sangano ravo riri kushushikanawo nezviri kuitika muMDC-T, vachiti vakazvipira kuyananisa vatungamiri vari kunetsana ava kana vakapiwa mukana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG