Imwe nyanzvi mune zvematongerwo enyika inoti huwandu hwemadzimai akanyoresa kuvhota pasi pechirongwa che Biometric Voter Registration, BVR, cheZimbabwe Electoral Commission,ZEC, hahufanirwe kushamisa vanhu sezvo madzimai akawanda kudarika mapoka ose evanhu munyika.
Doctor Chipo Dendere, avo vanodzidzisa zvematongerwo enyika pa Amherst College ku Massachusetts, vanoti chimwe chinogona kuita kuti huwandu hwemadzimai akanyoresa kuvhota huwande inyaya yekuti mune zvesarudzo madzimai agara anopinda kudarika vanhurume.
Vanotiwo nyaya dzekutyisidzirwa kwevanhu dzinogona kunge dzakaita kuti vamwe vanhurume vasade kunyoresa kuvhota, zvikuru kumaruwa, uko kunonzi vebato reZanu PF vari kumanikidza vanhu kuti vavape marusiti anoratidza kuti vanyoresa kuvhota.
ZEC yakaburitsa gwaro rinoratidza kuti vanhukadzi zvikamu makumi mashanu nezvina nezvidimbu zvishanu kubva muzana (54.5%) zvakanyoresa kuvhota, huwandu huri pamusoro pevanhurume, avo vari pazvikamu makumi mana nezvishanu zvine zvidimbu zvishanu kubva muzana, (45.5%).
Vechidiki vane makore ari pakati pegumi nemasere nemakumi matatu nemana vari pazvikamu makumi mana nezvitatu zvine zvidimbu zvishanu kubva muzana (43.5%).
Vakwegura vane makore makumi matanhatu zvichikwira ndivo vane huwandu huri pasi kwazvo hwevanhu vakanyoresa kuvhota, hunosvika zvikamu gumi nezvitatu zvine zvidimbu zvitanhatu kubva muzana, (13.6).
ZEC inoti vanhu vakanyoresa kuvhota pasi pechirongwa cheBVR ichi vanosvika 5,185,109, asi ichiti huwandu uhwu hahusanganisire vanhu vakazonyoresa pachirongwa che mop-up.
Facebook Forum