Accessibility links

Breaking News

Chikwata cheEuropean Union Chiri muZimbabwe Chotarisirwa Kusangana neMDC-T


Munyori mukuru weMDC-T Douglas Mwonzora
Munyori mukuru weMDC-T Douglas Mwonzora

Chikwata che European Union, EU, chevanhu vapfumbamwe chiri munyika kuzoongorora gadziriro yesarudzo kuburikidza nekuita misangano nevamiriri vehurumende, vemapato anopikisa pamwe nevemasangano akazvimirira.

Chikwata ichi chinonzi chatanga misangano yacho chichisangana negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika pamwe neveZimbabwe Electoral Commission, ZEC, kuti chinzwewo pasvika gadziriro yesarudzo iyi.

Munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, vanoti hutungamiri hwebato ravo huri kutarisira kusangana nechikwata ichi neChitatu pamuzinda webato ravo weHarvest House, muHarare.

VaMwonzora vanoti vane zvakawanda zvavanoda kuzvisa EU sarudzo dzisati dzaita, zvavanoda kuti hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa igadzirise, zvinosanganisira nyaya yemhirizhonga, kuvepo kwegwaro revavhoti ravanokwanisa kuongororawo, uye kuziva kuchadhindwa magwaro ekuvhota.

Vanotiwo vanoda kuziva kuti mari dzichashandiswa musarudzo dzavepo here. VaMwonzora vanoti vari kunzwa kufara nekuuya kwechikwata ichi munyika.

“Tiri kunzwa kufara zvikuru kuti pressure yatakapa se opposition ku government iri kupangidza kuti iri kufamba zvakanaka. Tiri kuona kuti government yanga isingadi kuti vanhu vanobva kunze kwenyika vakwanise kuongorora sarudzo dzedu.

"Asi pari zvino nekuburikidza ne pressure yatakapa seMDC-T neAlliance yacho, pamwechete nemamwe ma political parties ne civic society, hurumende iya yabvuma,” VaMwonzora vanodaro.

Vanotiwo neChitatu chakare, vari kuparura muHarare Gardens, gwaro rehurongwa hwavo hwesarudzo rinonzi “Plan for Electoral Conditions in Zimbabwe,” iro vanoti vachabva vasvitsawo kuEU.

Vari kutungamira chikwata che EU ichi ndaVaCostello Patrick, avo vanoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muEuropean Union.

Aka ndekekutanga mukati memakore gumi nematanhatu kuti Zimbabwe ibvumidze chikwata cheEU kuzoongorora gadziriro dzesarudzo mushure mekudzingwa kwechikwata ichi muna 2002 nevaive mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, izvo zvakazoita kuti vamwe vakuru muhurumende yavo vatemerwe zvirango nenyika dzakabudirira.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG