Accessibility links

Breaking News

VaGumbo Vanoti Vakazvipira Kudzokera kuZanu PF


VaRugare Gumbo
VaRugare Gumbo

Vaimbove mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti vakagadzirira kudzokera kuZanu PF, kana nhaurirano dziri kutungamirirwa nesangano revakarwa hondo reZimbabwe National Liberation War Veterans Association dzakapera zvakanaka.

VaGumbo vanoti vakagara vari nhengo yeZanu PF, musangano wavanoti vakavamba, saka havatarisiri kuti vanoita dambudziko, zvikuru kudzokera musangano revakarwa hondo.

VaGumbo vanoti kudzokera kuZanu PF ndiko kungatonetsa, asi vachiti zvakare hazvifanirwi kunetsa nekuti ivo vave kutonga vakambenge vadzingwawo mumusangano, asi vakadzokera zvisina dambudziko.

Asi vanoti havasi kuzonyorera kuti vatambirwe muZanu PF vachiti vakawanda mune vatungamiri vave mumasimba vakanga vakadzingwawo muZanu PF, asi havana kunyorera kudzokera mubato iri.

Mutemo weZanu PF unoti anenge adzingwa mumusangano kana oda kudzokera anofanirwa kutanga anyorera kuCentral Committee yebato, yozozeya nyaya yake.

Svondo rapera nemusi weChina sangano revakarwa hondo rakakurudzira kuti VaGumbo, pamwe naVaDidymus Mutasa naVaJabulani Sibanda pamwe nevamwe vose vakadzingwa muZanu PF nevaive mutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe muna 2014 vachinzi vaitsigira vaive mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru.

Dzimwe nhengo dzebato iri, kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, dzakazodzingwawo muZanu PF mumakore akatevera dzichipomerwa mhosva dzekupandukira VaMugabe.

Hurukuro naVaRugare Gumbo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG