Accessibility links

Breaking News

Vashandi vepaMugodhi weShamva Gold Mine Voramwa Mabasa


Vashandi vepamugodhi weShamva Gold Mine, vanonzi vakatanga kuramwa mabasa nezuro vachinyunyuta nemashandiro avari kuita, uye kusatambiriswa mihoro nyavo kwemwedzi mina yadarika.

Vashandi vari kuramwa mabasa ava, avo vari pasi pekambani yezvicherwa ye Metallon, vanoti zvimwe zvavari kuda kuti zvigadziriswe inyaya yekuti pasi pavanoshandira hapana mweya wekufema wakanaka, izvo zvinovaisa munjodzi huru. Studio 7 yakundikana kubata vakuru vemugodhi uyu.

Asi munyori wesangano revashandi vemugodhi uyu, VaPatrick Mugwambi vanoti vashandi vakazvipira kudzokera kumabasa avo kana zvichemo zvavo zvakagadziriswa nekukasika.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG