Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vakashandira ZEC Panguva yeKunyoresa Vanhu Vonzi Vachakamirira Mihoro Yavo


VaRaymond Majongwe, munyori weProgressive Teachers Union of Zimbabwe. (Sebastian Mhofu/ VOA)

Varairidzi vakabatsira ZEC muchirongwa chayo chekunyoresa vanhu kuvhota che Biometric Voter Registration, BVR, vanonzi havasati vabhadharwa mari dzavakashandira kubva pakapetwa chirongwa chekutenderera nenyika yose, che Blitz musi wa 19 Zvita gore rapera.

Munyori wesangano revarairidzi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, VaRaymond Majongwe, vanoti mahofisi avo mumatunhu ose emunyika ari kuwana zvinyunyuto zvakawanda kubva kuvarairidzi vakashanda neZEC vari kuti havasati vabhadharwa.

VaMajongwe vanoti sangano ravo rave kunyorerra ZEC tsamba richikurudzira kuti ibhadhare varairidzi ava, sezvo vazhinji vavo vakashandisa mari dzavo pavakaenda kunoita basa. Studio 7 yakundikana kunzwa divi re ZEC panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG