Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rinocherechedza Zuva reWorld Awareness Day


Dambudziko reAutism rinonzi rinokanganisa mashandiro epfungwa, izvo zvinogona kuita kuti mumwe mwana anonoke kubata zvinhu
Dambudziko reAutism rinonzi rinokanganisa mashandiro epfungwa, izvo zvinogona kuita kuti mumwe mwana anonoke kubata zvinhu

Mhuri yeZimbabwe yabatana nepasi rose mukucherechedza zuva rekuyeuchidzana pamusoro pedambudziko rinobata vana vakawanda pasi rose reAutism, kana kuti World Autism Awareness Day.

Autism inonzi inogona kukanganisa pfungwa dzevamwe vana vachiri vacheche, izvo zvinozoita kuti vanonoke kubata zvavanenge vachidzidziswa, kunonoka kana kutadza kutaura, kana kuita zvimwe zvinhu zvinogona kunzi nevamwe zvakapfurikidza mwero.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe, VaTomson Chauke, avo vanoshanda pachikoro chevana vane autism, chePriors Court chiri kuBritain, vanoti zuva reWorld Autism Awareness Day iri rakakosha zvikuru sezvo richipa vanhu mukana wekudzidzisana mabatirwo angaitwa dambudziko iri, zvikuru kumusha, uko vanhu vanofunga kuti mwana kana akadaro anenge akaroiwa.

VaChauke vanoti zvakakosha zvikuru kuti vanhu vadzidzisane pamusoro pemabatirwo anofanirwa kuitwa vanhu vanorarama ne autism, pachitsvagwawo nzira dzekurapa nadzo vane dambudziko iri, uye kuti masangano anoshanda nevanorarama nedambudziko iri arovane masoro.

Zuva iri rinocherechedzwa pasi rose musi wa 02 Kubvumbi gore rogaroga.

VaChauke nevana vepachikoro chavo vane autism, vakaburitsawo vhidhiyo yemumhanzi, inonzi “Let Me Shine-An Anthem for Autism,” iyo inowanikwawo paYouTube.

Hurukuro naVaTomson Chauke
please wait

No media source currently available

0:00 0:08:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG