Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yotsigira ZEC paNyaya yeNyanzvi Dzinoongorora Sarudzo


Vanhu vachienda kunovhota musarudzo dzakarongwa neZEC

Komisheni inotungamira sarudzo munyika yeZimbabwe Electoral Commission, ZEC, inonzi yakati haisi kuzobvumidza kuongororwa kwegwaro revavhoti navanamazvikokota, sezvo izvi zviri kunze kwebumbiro remitemo.

Bepanhau reNewsDay rinoti sachigaro veZEC, Amai Priscilla Chigumba, vakati pasi pebumbiro remitemo yenyika, mutemo unoti ZEC inofanirwa kupa ani nani zvake gwaro iri anoda kuriongorora, kwete zvekuti kuende makambani enyanzvi kunoita ongororo.

Amai Chigumba vanonzi vakatiwo vanenge vaongorora gwaro iri kana vaine zvavanenge vawana zvavanofunga kuti zvinoda kugadziriswa, vakasununguka kuzviendesa kuZEC kuti zvigadziriswe.

Izvi zvinotevera chikumbiro chinonzi chakanga chaitwa nevemapato ezvematongerwo enyika pamwe nevemasangano akazvimirira, chekuti kutsvagwe nyanzvi dzinoongorora gwaro iri senzira yekudzivirira kubiridzirwa kwesarudzo.

Studio7 yakundikana kubata Amai Chigumba kana vemapato anopikisa kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

Asi munyori anoona nezvemutemo muZanu PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti vanowirirana nedanho rakatorwa neZEC, vachiti kuti pabvumidzwe nyanzvi kuongorora gwaro revavhoti, panofanirwa kutanga pashandurwa bumbiro remitemo.

VaMangwana vanoti vari kuita misangano neZEC mazuva akawanda asi vemapato anopikisa ava havasati vambopira nyaya yavo kuZEC varimo vose mumisangano iyi.

Hurukuro naVaMunyaradzi Paul Mangwana
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG