Bazi rezvehutano rakazivisa neMuvhuro kuti hapana munhu akafa nekuda kweCovid-19, uye vanhu makumi manomwe nevatanhatu vakawanikwa vaine denda iri nyika yose, vashanu vavo vari vana vechikoro mudunhu reManicaland.
Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa svondo rapera neChishanu vakavandudza hutungamiri hwemakomiti epamusoro mubato ravo eNational Standing pamwe neNational Executive, danho rinonzi nevamwe rakanangana nekusimbisa bato rinopikisa iri pamberi pesarudzo dza 2023.
Asi mutungamiri werimwe sangano revarairidzi, re Amalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vanoti kunyange hazvo mashoko aVakagame achifadza varairidzi, Zimbabwe haikwanise kupa dzimwe nyika varairidzi.
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vanomwe vakafa neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi matatu nevashanu, 335, vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro wakare.
Upfu uhwu hwave kuwanikwa mumatunhu matanhatu emuAmerica, uye vave kuendesawo kumatunhu anodarika gumi nemashanu kuburikidza nekutengesa padandemutande ravo re www.redstarmaputi.com, hwotumirwa kumunhu anenge atenga zvekusiirwa pamusuwo pake.
Nhumwa yakakosha yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu Amai Alena Douhan, votarisirwa kushanyira Zimbabwe kubva musi wa 18 kusvika musi wa 28 Gumiguru kuti vanzwisise pamwe nekuzvionera voga pamhino sefodya kuti zvirango zviri kukanganisa zvakadii kodzero dzevanhu.
Bato reZanu PF rinoti raendesa mberi kusvika musi wa 09 Gumiguru sarudzo dzekutsvaga hutungamiri hwematunhu madiki munyika yose richiti riri kupa mukana matunhu ane matambudziko kuti agadzirise zvinetswa nekukwanisa kupedza sarudzo idzi.
Pavanhu vakawanikwa vaine denda reCovid-19, mazana maviri nemakumi maviri nevapfumbamwe (229), kana kuti zvikamu makumi matanhatu nezvipfumbamwe kubva muzana vana vachikoro.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika pamwe nenhengo dzebato rinopikisa reMDC Alliance vanoti vanoona sekunge bato riri kutonga reZanu PF riri kufurufusha MDC Alliance kuburikidza nekuita mabhindauko akasiyanasiyana ekuona kuti bato iri raparara.
Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirwa kuti zvitaure nezwi rimwechete kuitira kuti zvichemo neshuviro dzavo zvive nemutsindo pazvinenge zvosvitwa kuhurumende kumusha.
Politiburo yeZanu PF yakasunga neMuvhuro manheru kuti bato iri rimbosendeka parutivi sarudzo dzematunhu makuru kana kuti Provincial Executive elections, ichiti ipe nguva kugadziriro yemusangano wepagore webato iri uri kuitwa kuBindura musi wa 25 Gumiguru, unove mwedzi unouya.
Sarudzo dzekutsvaga vachatora zvigaro zvematunhu madiki kana kuti ma district mubato reZanu PF dzatanga neMuvhuro munyika yose panguva iyo mubato riri kutonga iri muchinzi mune kurwisana kukuru panyaya yekutungamira bato.
Kereke yeEvangelical Lutheran Church in Zimbabwe mudunhu reMidlands kana kuti Central Diocese iri kutsvaga rubatsiro nekukasika zvichitevera kubatwa neCovid-19 kwevana pamwe nevarairidzi vezvikoro zviri pasi pekereke iyi mumatunhu eMidlands neMwenezi.
Sarudzo iyi yakaitwa zvichitevera danho renhengo dzebato rinopikisa reRepublican Party mudunhu iri rekuunganidza masiginicha anodiwa pamutemo kuti paitwe sarudzo yekubvisa gavhuna pachigaro chake kana achinge anzi akanganisa.
Hurumende inonzi yakasunga neChipiri kuti vashandi vose vehurumende vachabvumidzwa kuenda kumabasa chete kana vachinge vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 ichiti vakapiwa nguva yakareba yekuti vakwanise kubaiwa.
Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken, vakazivisa kuti vakazvipira kuramba vachipa rubatsiro kuvanhu vemuAfghanistan kuburikidza nesangano reUnited Nations pamwe nemasangano anopa rubatsiro.
Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vanoti kanzuru yavo yakaparura chirongwa cheutsanana muguta ravo kuburikidza nekuchenesa nzvimbo dzose dziri kuunganidzwa marara mukati meguta, izvo vanoti zvanga zvonyangadza chimiro cheguta guru renyika uye kukanganisa hutano hwevanhu.
VaBiden vakatanga nedunhu reIdaho uko vatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump vanoda kusvika kuchiuru chimwechete vakavagarira vachiratidizra muguta reBoise, vachinyunyuta nemafambisirwo esarudzo dzegore rapera idzo vanoti dzakabirwa.
Bato reMDC-T rinoti riri kupa kusvika kupera kwemwedzi uno waGunyana kunhengo dzeparamende nemakanzuru dzichiri kubato reMDC Alliance rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa kuti dzinge dzabva kubato iri dzichienda kuMDC-T, kukundikana kwadzo dzinozodzingwa muzvigaro izvi
Boka rinoona nezvekuferefetwa kwenyaya muAmerica, reFBI, neMugovera rakaburitsa gwaro rakambenge rakachengetedzwa rine chekuita nerutsigiro rwunonzi rwakapiwa zvizvarwa zveSaudi Arabia zviviri zvinopfurikidza mwero zvakarwiswa zvivakwa zvemuAmerica musi wa 11 Gunyana, 2001.
Rodhai zvimwe