Accessibility links

Breaking News

United Nations Yotumira Nhumwa Yakakosha Kunoona Kukanganiswa kweKodzero dzeVanhu neZvirango muZimbabwe


Nhumwe yeUnited Nations yakakosha munyaya dzekodzero dzevanhu nezvirango, Amai Alena Douhan vanotarisirwa kupinda muZimbabwe mwedzi unouya.
Nhumwe yeUnited Nations yakakosha munyaya dzekodzero dzevanhu nezvirango, Amai Alena Douhan vanotarisirwa kupinda muZimbabwe mwedzi unouya.

Nhumwa yakakosha yeUnited Nations inoona nezvekodzero dzevanhu, Amai Alena Douhan, votarisirwa kushanyira Zimbabwe kubva musi wa 18 kusvika musi wa 28 Gumiguru kuti vanzwisise pamwe nekuzvionera voga pamhino sefodya kuti zvirango zvinonzi nehurumende zvakatemerwa Zimbabwe zviri kukanganisa zvakadii kodzero dzevanhu.

Amai Douhan nechikwata chavo vanonzi vachange vachiunganidza humbowo hwavari kuda kubva mumisangano yavachaita nevakuru muhurumende, vemasangano akazvimirira, vemapoka asiri pasi pehurumende pamwe nevemapato anopikisa.

Pari zvino chikwata ichi chiri kukoka vose vane chekuita nenyaya iyi kuti vape maonero avo panyaya yezvirango iyi musi wa 10 Gumiguru usati wasvika.

Vachitaura kumusangano weUnited Nations wegore rino, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakati hurumende yavo yakanga yakoka nhumwa yeUnited Nations iyi kuti izvionere kwavanoti kukanganiswa kwekodzero dzevanhu nezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende nenyika dzekumawirira, izvo zvavanoti zviri kukanganisa nyika.

Aka kanenge kasiri kekutanga kuti nhumwa yakakosha yeUnited Nations ishanyire Zimbabwe kunoita tsvakurudzo dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

Muna 2005, Amai Anna Tibaijuka vakapinda munyika zvichitevera kuparadzwa kwedzimba nehurumende pachirongwa chayo cheOperation Murambatsvina, izvo zvakasiya vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe vasisina misha, zvikuru mumaguta nemumadhorobha.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kweAfrica, VaDewa Mavhinga, vanoti chinhu chakanaka chose kuti nhumwa yeUnited Nations iyi ipinde muZimbabwe kuzoferefeta nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu nezvirango izvi.

Asi vanoti dambudziko riripo nderekuti hurumende iri kutsvaga manyautsamukanwa ekuti inzwe mashoko anogona kuifadza iyo asi pasina zvinobatika zvinopundutsa vana veZimbabwe..

VaMavhinga vanoti hapana asingazive kuti zvirango izvi zvakatemerwa vanhu vanotungamira pane zvemutemo nevamwe vakadomwa panyaya dzehuwori.

"Izvozvo hazvigone kuti zvimiswe kana kumira nenyaya yekuti kwauya nhume yabva kuUnited Nations. Vanhu vane simba rekutseketudza zvirango vanhu vari pasi pezvirango vakataurirwa kuti vasimudzire kodzero dzevanhu," vanodaro VaMavhinga.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza vanoti Amai Douhanhavasi kuuya munyika voga, asi kuti vakatokokwa nehurumende kuti vazvionere voga sezvo hurumende yeZimbabwe isina chainoviga.

Doctor Mavaza vanoti Amai Douhan vachasangana nevakuru vekumapurisa nekumajeri kuitira kuti vazvinzwire voga panyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu, sezvo mapoka aya ari iwo anopomerwa mhosva yekushandiswa nehurumende kutyora kodzero dzevanhu.

Panyaya yekuti zvirango hazvina kutemerwa hurumende si kuti vanhu vanotyora kodzero dzevanhu pamwe nevanoita huwori, Doctor Mavaza vanoti "Nyika idzi kungotaurawo hadzo sediro rakuta davi. Chokwadi chaicho ndechekuti kana ukapa ma sanctions, eeh, ukatemera zvirango kuna baba vemba, zvatoreva kuti mumba muya hamuchisina chikafu, hamuna chichadyiwa," vanodaro Doctor Mavaza.

Zvichawanikwa naAmai Douhan nechikwata chavo zvinonzi zvichazosvitswa kumusangano weUnited Nations Human Rights Council wechimakumi mashanu nemumwe kana kuti 51st Session uchaitwa muna Gunyana 2022.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG