Accessibility links

Breaking News

America Yozvipira Kubatsira Vanotambura muAfghanistan


Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAnthony Blinken vachipindura mibvunzo pamusoro pekubuda kwemauto muAfghanistan kubva kukomiti yedare reseneti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Gurukota rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaAntony Blinken, vakazivisa kuti vakazvipira kuramba vachipa rubatsiro kuvanhu vemuAfghanistan kuburikidza nesangano reUnited Nations pamwe nemasangano anopa rubatsiro.

VaBlinken vakataura mashoko aya apo vakanga vachibvunzurudzwa nekomiti yedare reseneti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika kwemazuva maviri adarika pamusoro pekubuda kwemauto eAmerica muAfghanistan.

Vakataurawo izvi zuva rimwechete hurumende yeAmerica yazivisawo kuti ichapa rubatsiro rwemari inoda kusvika mamiriyoni makumi matanhatu nemana emadhora erubatsiro.

VaBlinken vakati mari iri kuwedzerwa iyi ichabatsira mune zvehutano nezvekudya zvinovaka muviri, kuchengetedzwa kwemadzimai nevana nemapoka evashoma, uye kubatsira vana vakawanda kusanganisira vanasikana kudzokera kuchikoro.

Rubatsiro urwu rwunonzi harwusi kuzopinda nemumaoko e Taliban, asi kuti rwuchananga kuvanhu vemuAfghanistan.

Rubatsiro urwu rwunosvitsawo mari yapiwa neAmerica serubatsiro kuvanhu vemuAfghanistan gore rino chete pamari ingada kusvika mamiriyoni mazana matatu nekumi matatu emadhora kana kuti $330 million.

Izvi zviri kuitika kunyange hazvo nyika iyi yave pasi pehurumende yeTaliban, iyo yanga ichirwisana nemauto eAmerica kwemakore makumi maviri adarika.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vari mutungamiri webato rePatriotic Zimbabweans Party, VaCharles Muchineripi Mutama, vanoti kubvunzurudzwa kwaVaBlinken nekomiti yeseneti kwakakosha zvikuru kuitira kuti zvizvarwa zveAmerica zvizive mamiriro akaita zvinhu zvichitevera kubuda kwemauto eAmerica muAfghanistan.

VaMutama vanotiwo zvakare rubatsiro rweAmerica rwakakosha zvikuru pachitariswa mabatirwo anonzi ari kuitwa madzimai pamwe nemamwe mapoka muAfghanistan nehurumende yeTaliban.

Hurukuro naVaCharles Muchineripi Mutama
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG