Nyanzvi mune zvehutano dzinoti dziri kunetsekana nekukwira zvakare kwehuwandu hwevanhu vave kufa pamwe nekubatwa neCovid-19, zvikuru muzvikoro.
Izvi zvinotevera mashoko akaburitswa nezuro nebazi rezvehutano ekuti vanhu vasere vakafa neCovid-19 uye vamwe mazana matatu nemakumi matatu (330) vakawanikwa vaine Covid-19 nezuro wakare.
Pavanhu vakawanikwa vaine denda reCovid-19, mazana maviri nemakumi maviri nevapfumbamwe (229), kana kuti zvikamu makumi matanhatu nezvipfumbamwe kubva muzana vana vachikoro.
Mumashoko aro, bazi rezvehutano rakazivisa kuti vana vechikoro makumi maviri nevatanhatu (26) vakawanikwa vaine denda iri kuMashonaland East, makumi maviri nevasere kuMidlands, gumi nevana kuManicaland, kuchiti makumi mana nevasere kuMasvingo.
Kudunhu reMatabeleland North vana makumi maviri nevatatu (23) vakawanikwa vaine Covid-19, mumwe chete kuBulawayo, kuchizoti makumi masere nevapfumbamwe (89) kuMashonaland Central.
Vana vechikoro vakawanda vari kuvhunekwa vachiwanikwa vaine Covid-19 ava vanonzi vanenge vasina zviratidzo zvehurwere.
Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vanoti kubva pakavhurwa zvakare zvikoro musi wa 30 Nyamavhuvhu 20201 kusvika nemusi wa23 Gunyana, vana vechikoro chiuru nemazana maviri ane makumi masere nemumwe, kana kuti 1 281, uye varairidzi zana nemakumi matatu nemumwe, kana kuti 131, vakawanikwa vaine Covid-19 nyika yose.
Vanotiwo huwandu hwevana vari kuwanikwa vaine Covid-19 huzhinji huri muzvikoro zvine vana vanogara pachikoro, kana kuti boarding schools, vachiti hurwere hwevana ava hahutyisi zvekuti vangada kuendeswa kuzvipatara.
VaMujiri vanotiwo bazi ravo riri kuzivisawo nyika yose pamwe nevabereki vane vana vakawanikwa vaine denda iri kuti vasatya zvavo sezvo pari kutorwa matanho akakodzera ekuchengetedza hutano hwevana vane Covid-19 ava.
Vanokurudzirawo veruzhinji kuti varambe vachitevedzera mitemo yakatarwa neWorld Heralth Organisation yekudzivirira kupararira kweCovid-19.
Vaimbove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vanotiwo zvinotyisa kuti denda iri riri kuramba richiwanikwa muzvikoro, vachiti zvinoratidza kuti hurumende yakanga isina kugadzirira zvakakwana kuvhurwa kwezvikoro.
Asi Dr. Madzorera vanoti kunyange hazvo zvichityisa kuti vana vechikoro vari kuwanikwa vaine Covid-19 vakawanda, zvakati siyaneyi pakati pemunhu anowanikwa aine Covid-19 mushure mekuvhuenekwa asi iye asina chaari kunzwa neuyo anowanikwa aine denda iri mushure mekunge arwara.
Facebook Forum