Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Inomisa Sarudzo dzeMatunhu Vakawanda Vachiti Zvakonzerwa neKusawirirana Kuri muZanu PF


Zanu PF Rally Kadoma 2
Zanu PF Rally Kadoma 2

Politiburo yeZanu PF yakasunga neMuvhuro manheru kuti bato iri rimbosendeka parutivi sarudzo dzematunhu makuru kana kuti Provincial Executive elections, ichiti ipe nguva kugadziriro yemusangano wepagore webato iri uri kuitwa kuBindura musi wa 25 Gumiguru, unove mwedzi unouya.

Sarudzo dzematunhu makuru idzi dzaifanirwa kuitwa mushure mesarudzo dzematunhu maduku kana kuti ma district, idzo dziri kuitwa svondo rino.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vanoti zvakaonekwa kuti vanhu vave kuwanza simba mukutsvaga rutsigiro rwekuti vapinde muzvigaro musarudzo dzematunhu vasingaise nguva nesimba kugadziriro yemusangano wepagore uyu.

Asi zvinhu zvinonzi hazvina kumira zvakanaka mubato riri kutonga iri sezvo muine kusawirirana kukuru kunonzi kwakonzera kuti muve nemapoka maviri ari kukwikwidzana. Matunhu anonzi ane kusawirirana kwakanyanya anoti Masvingo, Mashonaland Central, Mashonaland East, Mashonaland West, Manicaland neMidlands.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya, vanoti zviri pachena kuti Zanu PF yamanikidzwa kusendeka sarudzo idzi nekuda kwekusawirirana kuri mubato iri, vachiti kana Zanu PF ichitadza kugadzirisa kusawirirana kuri mumatunhu ingazokwanisa here kugadzirisa nyika?

Hurukuro naVaTafadzwa Mugwadi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaRejoice Ngwenya
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG