Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, neMuvhuro vakatanga rwendo rwavo rwekushanyira matunhu matatu anoti California, Colorado neIdaho, ayo ari kuvhiringwa nemoto yesango iyo yaparadza matunhu nematunhu emasangano pamwe dzimba, uye kutora hupenyu.
VaBiden vakatanga nedunhu reIdaho uko vatsigiri vevaive mutungamiri wenyika, VaDonald Trump vanoda kusvika kuchiuru chimwechete vakavagarira vachiratidizra muguta reBoise, vachinyunyuta nemafambisirwo esarudzo dzegore rapera idzo vanoti dzakabirwa.
Vachitaura vari muIdaho, VaBiden, avo vari kutsvagawo rutsigiro pachirongwa chavo chekumutsiridza zvivakwa muAmerica chemari inosvika $3.5 trillion, vakati vanhu vanofanirwa kutambira kuti kushanduka kwemamiriro ekunze chinhu chiripo,
Vakati hachisi chinhu chebato reDemocratic Party kana rinopikisa reRepublican Party kwete, asi kuti mamiriro ekunze ari kushanduka, ayo ave kuita kuti nyaya dzekupiswa kwemasango dziwedzere.
VaBiden vakati chinhu chisisaita kuti vanhu vatarise rutivi vachichisiya.
Vakatendawo vanoshanda mukudzimura moto nekuzvipira kwavo.
VaBiden neChipiri vari kutarisirwa kushanyira maguta eSacramento kuCalifornia neDenver kuColorado, uye vachabatsirawo kutsvagira rutsigiro gavhuna veCalifornia VaGavin Newsom vebato ravo reDemocartic Party, avo vakatarisana nesarudzo yekudzingwa basa.
Chizvarwa cheZimbabwe VaTim Muringai vari kuOhio, vanoti vanoona zviri kuitwa naVaBiden zvekudzivirira mamiriro ekunze chiri chinhu chakakosha uye chinofanirwa kutsigirwa.
Facebook Forum