Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze Zvokurudzirwa Kutaura neZwi Rimwe


Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinonzi zviri kudawo kupinda musarudzo zviri kunyka kwazvigere.

Zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zviri kukurudzirwa kuti zvitaure nezwi rimwechete kuitira kuti zvichemo neshuviro dzavo zvive nemutsindo pazvinenge zvosvitwa kuhurumende kumusha.

Izvi zvinonzi zvinokwanisika chete kuburikidza nekushanda pamwe kwemasangano akasiyanasiyana anomirira vana veZimbabwe vari munyika dzakasiyanasiyana, zvinove zviri kuitwa nesangano reZimbabwe Diaspora Nation Building Initiative, iro rinobatanidza masangano ari munyika dzakasiyanasiyana.

Mukuru wesangano reZimbabwe Diaspora Nation Building Initiative uye vari sachigaro veZimbabwe Diaspora Network-UK, Doctor Paul Matsvai, vanoti sangano ravo rine masangano anomirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri munyika dzakasiyanasiyana akawanda, uye vane mamwe mapoka avari kuvaka iye zvino izvi kune dzimwe nzvimbo dzanga dzisati dzave nemasangano akadai, kwakaita sekuSouth Africa.

"Chikuru chinoitika ndechekuti. munoona kana ukangomira uri mumwechete uchikumbira pane chimwe chunhu chinonetsa iwe semugari wekunze, kashoma kuti uwane vanhu vangakuteerera vakawanda. Asi makaungana makaenda makarongeka, izwi renyu rinodiniwo, rinobva ranzwika zvakajeka. Saka kubatana kwenyu kunoitawo futi nezvamunenge muchida kuitira nyika zvikukumuke," vanodaro Doctor Matsvai.

Vanoti chikuru chiri kuitwa nesangano ravo pane ino nguva kuongorora kugadziridzwa kwemutemo weZimbabwe Diaspora Policy, uyo unonzi uri kutsvaga kuzadzisa zvinodiwa nevana veZimbabwe vari kunze, zvinosanganisira nyaya dzezvehupfumi, zvemabhizimusi, kodzero yekuvhota vari munyika dzavagere, uyewo kuti vave zvizvarwa zvenyika mbiri, Zimbabwe nenyika dzavagere.

Hurumende inonzi yakatambira gwaro rekuumbwa kwemutemo weZimbabwe Diaspora Policy muna Nyamavhuvhu wegore rino uye zvinonzi pave nemisangano yave kuitwa yekukwenenzvera gwaro iri nekuti ringe rave nezvose zvinobva kune mapoka ane chekuita nehurongwa uhwu panopera mwedzi uno waGunyana.

Hurukuro naDoctor Paul Matsvai
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG