Accessibility links

Breaking News

Doctor Rumano Vowanisa Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri muAmerica Upfu hweKumusha


Upfu hweRumano Milling Company Mealie-meal

Zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika dzemuAfrica zvinogara muAmerica hazvichina chishuvo chekumusha panyaya dzesadza sezvo zvave kukwanisa kuwana upfu nyore kubva kune chimwe chizvarwa cheZimbabwe chave kugaya upfu chiri kuWayne County mudunhu reOhio, Doctor Moses Rumano.

Upfu uhwu hwave kuwanikwa mumatunhu matanhatu emuAmerica, uye vave kuendesawo kumatunhu anodarika gumi nemashanu kuburikidza nekutengesa padandemutande ravo re www.redstarmaputi.com, hwotumirwa kumunhu anenge atenga zvekusiirwa pamusuwo pake.

Kunyange hazvo vari mudzidzisi wepachikoro chepamusorosoro che Friends University chiri kuWichita mudunhu reKansas, Doctor Rumano vanowana nguva yekunorima chibage, manhanga, muriwo neipwa kudunhu re Ohio uko kune musha wavo.

Doctor Rumano vakatanga kurima chibage muna 2015 vachiti ndechekudya nemhuri yavo, asi vakazoona vasara nechibage chakawandisa zvekushaya zvekuita nacho, izvo zvakazovapa pfungwa yekugadzira maputi pamwe nekugaya upfu vachitengesa.

Iye zvino vave nekambani yavo yeRumano Milling, iyo iri kugaya upfu hwemugayiwa nengwerewere, uye vari kugadzirawo jamhu kubva muipwa, izvo zvave kutengwa nevana veZimbabwe pamwe nevekune dzimwe nyika vari muAmerica.

Doctor Rumano vanoti gore rino vakarima maeka gumi echibage uye vanga vagara vaine chimwe chinosvika matani mashanu, isho vari kushandisa kugaya upfu.

Vanoti vari kuronga kutanga kuunza upfu hwezviyo, mhunga nemapfunde kubva kumusha kutanga mwedzi unouya waGumiguru.

Hurukuro naDoctor Moses Rumano
please wait

No media source currently available

0:00 0:06:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG