Meya veguta reHarare, VaJacob Mafume, vanoti kanzuru yavo yakaparura chirongwa cheutsanana muguta ravo kuburikidza nekuchenesa nzvimbo dzose dziri kuunganidzwa marara mukati meguta, izvo vanoti zvanga zvonyangadza chimiro cheguta guru renyika uye kukanganisa hutano hwevanhu.
VaMafume vanoti vakataura nevakuru vezvekutakurwa kwemarara mukanzuru vakawirirana kuti marara ose akaita mirwi mukati meguta anofanirwa kukukurwa achinoraswa kwakakodzera kuitira kudzosa chimiro cheguta ravo.
Vanoti vakatsvaga mafuta ekufambisa pamwe nekugadzirisa michina nedzimotokari zvekushandisa mukuita basa iri kuitira kuderedza kuchemachema kwevagari, avo vari kushoropodza kanzuru nekukundikana kutakura marara. Ngatinzweyi vamafume vachitsanangura.
Panyaya yekuti kanzuru yavo iite mushandirapamwe nemakambani akazvimirira mukutakura marara muguta nekumisha inogara vanhu, VaMafume vanoti zvinhu zviri muhurongwa hwavo, asi pane mitemo inofanirwa kutanga yagadziriswa kuitira kuti vabvumidzwe kuita izvi.
Facebook Forum