Accessibility links

Breaking News

Boka reFBI muAmerica Rinoburitswa Gwaro reKuferefetwa kweKurwiswa kweAmerica Muna 2001


Vanopfurikidza mwero vakashandisa ndege kurwisa America musi wa 11 Gunyana 2001.
Vanopfurikidza mwero vakashandisa ndege kurwisa America musi wa 11 Gunyana 2001.

Boka rinoona nezvekuferefetwa kwenyaya muAmerica, reFBI, neMugovera rakaburitsa gwaro rakambenge rakachengetedzwa rine chekuita nerutsigiro rwunonzi rwakapiwa zvizvarwa zveSaudi Arabia zviviri zvinopfurikidza mwero zvakarwiswa zvivakwa zvemuAmerica musi wa 11 Gunyana, 2001.

Gwaro iri, iro rine mapeji gumi nematanhatu, rinodonongodza kudyidzana kwevarume vaviri ava nevanodyidzana neSaudi Arabia vari muAmerica, asi haripe humbowo hwekuti vakuru muhurumende yeSaudi Arabia vane chekuita here nekurwiswa kwe America uku.

Gwaro iri, iro rakaburitswa neMugovera raive zuva rekurangarira makore makumi maviri kurwiswa uku kwaitika, nderekutanga kuburitswa kubva pakapiwa mvumo nemutungamiri wenyika VaJoe Biden yekuti magwaro anga agara asingaziviswi kune veruzhinji aburitswe.

Hurumende yeSaudi Arabia yakanga yagara ichiramba kuti haina chekuita nekurwiswa kweAmerica uku, uye muzinda wenyika iyi muAmerica wakazivisa kuti wakatsigira danho rekuburitswa kwemagwaro aimbenge akachengetedzwa aya senzira yekupedza nayo zvipomerwa zvekuti Saudi Arabia yaive nechekuita nechiitiko ichi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vari nhengo yesangano reZimbabwe Citizens Initiative, VaPromise Sande, vanoti kuburitswa kwegwaro iri kune veruzhinji chinhu chakakosha zvikuru sezvo zvichibatsira vakarasikirwa nehama neshamwari kuti vazive zvakaitika.

Hurukuro naVaPromise Sande
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG