Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoti Vashandi Vayo Vakabaiwa Nhomba yeCovid-19 Ndivo Chete Vachabvumidzwa kuMabasa


Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa

Hurumende inonzi yakasunga neChipiri kuti vashandi vose vehurumende vachabvumidzwa kuenda kumabasa chete kana vachinge vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 ichiti vakapiwa nguva yakareba yekuti vakwanise kubaiwa.

Izvi zvakaziviswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko Amai Monica Mutsvangwa mushure memusangano wedare remakurukota muHarare.

Vemakereke vanonziwo vave kubvumidzwa kupinza chidimbu chepakati chenhengo dzekereke dzavo kana chete vatendi ava vakabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19.

Mamwe makungano akaita semichato nendufu anonzi vanhu vanobvumidzwa kuungana vachiri pazana sezvo zvichinzi zvinonetsa kuona kuti vanhu vari kuungana vakabaiwa nhomba here kana kuti kwete.

Amai Mutsvangwa vakatiwo hurumende yabvumidzawo kutanga kwemitambo yose, uye nguva dzemitambo dzakaiswa pakati penguva dza 6 dzemangwanani nenguva dza 8 dzemanheru kuitira kupa mukana vanoenda kumabasa.

Zvichakadaro, bazi rezvehutano rakazivisa neChipiri kuti vanhu vanomwe (7) vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika yose, uye vamwe vanhu mazana mana negumi nevasere (418) vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Izvi zvakasvitsa huwandu hwevanhu vafa nechirwere ichi munyika yose pazviuru zvina zvine mazana mashanu ane makumi mashanu kana kuti (4 550).

Huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 kubva zvachatanga hwakasvika pazviuru zana nemakumi maviri nezvitanhatu nemazana masere ane gumi nevanomwe kana kuti (126 817).

Bazi rezvehutano rakazivisawo kuti huwandu hwevanhu vakabatwa vaine chirwere ichi hwakawanikwa mumatunhu anoti Mashonaland East, Midlands, Matabeleland South neMasvingo, uko kwakwawanikwa vana vechikoro vakawanda vaine Covid-19.

Kusvika pakupera kwezuva neChipiri, vanhu vakanga vabayiwa nhomba yekutanga yekudzivirira chirwere cheCovid-19 vakanga vave mamirioni maviri ane zviuru mazana masere nemakumi manomwe nezvitatu nemazana masere nemakumi mapfumbamwe nevatatu kana kuti (2, million 873,893).

Vakanga vabayiwa nhomba dzose mbiri vakanga vave miriyoni imwe chete, ine zviuru mazana mapfumbamwe nemakumi maviri nezvitanhatu zvine mazana maviri nemakumi mana nevanomwe kana kuti (1,926,247).

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba yeCovid-19 vanhu mamiriyoni gumi, kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana, senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG