Accessibility links

Breaking News

MDC-T Yoyambira Kuti Ichadzinga Nhengo dzeParamende dzeMDC Alliance muKupera kwaGunyana


Sachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi, vakazivisa kuti vachadzinga nhengo dzeMDC Alliance muparamende kana dzisina kuenda kubato ravo panopera Gunyana.
Sachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi, vakazivisa kuti vachadzinga nhengo dzeMDC Alliance muparamende kana dzisina kuenda kubato ravo panopera Gunyana.

Bato reMDC-T rinotungamirwa naVaDouglas Mwonzora rinoti riri kupa kusvika kupera kwemwedzi uno waGunyana kunhengo dzeparamende nemakanzuru dzichiri kubato reMDC Alliance rinotungamirirwa naVaNelson Chamisa kuti dzinge dzabva kubato iri dzichienda kuMDC-T, kukundikana kwadzo dzinozodzingwa muzvigaro izvi.

Vachitaura neStudio 7 neSvondo mushure memhemberero dzekucherechedza kusvitsa makore makumi maviri nemaviri bato reMDC raumbwa, sachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi, vakati bato ravo rave kuzotora matanho akakodzera ekudzinga vose vasiri kushanda naro.

VaKomichi vanoti nhengo deparamende nemakanzura ava vakapinzwa muzvigaro izvi neMDC-T uye vari kuwana zvinhu kubva kuparamende kana kumakanzuru, izvo zvavari kuzoshandisa mukurwisana neMDC-T, kwete kusimudzira bato iri.

Vanoti bato ravo rakatoisa nhme iri kutenderera nematunhu ose ichiudza makanzura, mameya pamwe nenhengo dzeparamende kuti vakomana nevasikana, nzira yatiri kufamba nayo sebato ndeiyi neiyi, vachiti vakatora danho iri nekuti vamwe vaiti havasi kuwapa gwara rekutevera.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vanoti mashoko aVaKomichi aya mashoko emunhu asina zvekutaura, akatsamwa, mashoko ekuti pfungwa dzinenge dzasvika pamuganhu.

VaHlatywayo vanoti bato ravo harishamiswi nezviri kurongwa kuitwa neMDC-T izvi, vachiti ibato rinoziva kuti harina vanoritevera nekudaro rave kushandisa nzira dzeZanu PF dzekutyisidzira vanhu.

Asi vanoti sebato revanhu havana nguva yekumanikidza vanhu kuti vavatsigire sezvo vachiziva kuti MDC-T neZanu PF vari pamubatanidzwa wekuda kuputsa MDC Alliance.

Hurukuro naVaMorgen Komichi
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaClifford Hlatywayo
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG